Uncategorized

MAKORE 8 VACHIFUMA VAKAGUSWA. . . hapana kana vhudzi rinosara . . . kana vana vapindana nacho

25 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
MAKORE 8 VACHIFUMA VAKAGUSWA. . . hapana kana vhudzi rinosara . . . kana vana vapindana nacho

Kwayedza

MURUME wekuGlen Norah C Extension, muHarare, ari panguva yakaoma — ava nemakore masere achingofuma akaveurwa chose chinonzi vhudzi pamuviri wake.

Munyaya inofungirwa kuti aya mabasa evaroyi, VaSamuel Kadyaridzire (30), avo kumusha vanobva mubhuku rekwaChigwande, kwaMasembura, kuBindura, vanoti izvi zvakatanga pavakaroora.

Murume uyu anogara nemudzimai wake, Winnett Meki (23), nevana vavo vaviri pavana vatanhatu.

VaKadyaridzire vanoti mumwe mwana wavo akafuma akagerwawo musoro achiri mudiki uye kubva ipapo, vhudzi rake harizi kumera.

Pamusoro pezvo, mudzimai wavo anonanairwa mumuviri wose nezvinhu zvisingaonekwe.

“Kubva pandakaroorana nemudzimai wangu uyu makore 8 adarika, handichaziva chinhu chinonzi vhudzi mumusoro mangu kana repapi zvapo pamuviri wangu. Rinogara richiveurwa nemunhu wandisingaone.

Samuel Kadyaridzire

Samuel Kadyaridzire

“Parinongoti budei, unoona rabviswa. Izvi zvinoitika husiku ndirere ndozongozviona makuseni. Hapana pandinombochekeka panyama, kuita sendashandisirwa hair remover. Hamheno, kana kuti nditi varoyi here kana zvidhoma handichaziva,” vanodaro.

VaKadyaridzire vanoti nyaya iyi iri pachena vachiti aya mabasa ehuroyi.

“Ndinongofuma zvakadaro, asi vhudzi racho rinenge rakagerwa harionekwe parinodonhera. Izvozvi mwana wedu mudiki ane mwedzi mipfumbamwe yekuzvarwa akafumawo akagerwawo,” vanodaro.

VaKadyaridzire vanoti mwana uyu akagerwa aine mwedzi miviri yekuzvarwa uye kusvika nanhasi, haasati amera vhudzi mumusoro.

“Ndava kutya nekuti zvinhu zvangu zvose hapana zviri kufamba.

‘‘Pamwe inyaya yevhudzi rangu riri kutorwa, zvikuru vhudzi rekwakavandika iro rinonzi rikatorwa unogona kupengeswa kana kuitwa rombe sezvandiri.

“Ndinoshanda asi mari yacho inongobhururuka pasina inobatika. Ndatambura nekufamba ndichitsvaga kubatsirwa asi pasina chinofamba. Vamwewo vanoti rinoshandiswa sedivisi,” vanodaro VaKadyaridzire.

Mumhuri yavo mune mwana mudiki zvakare ane makore 7 okuberekwa uyo wavanoti haataure uyewo muviri wake hauna simba.

“Zvinoratidza kuti dambudziko iri rakatanga panguva yatakangowanana nekuti mwana wedu mukuru haagone kutaura zvakanaka uye muviri wake hauna simba.

‘‘Patinoenda kumachiremba hapana chinofamba.”

VaKadyaridzire vanotiwo mudzimai wavo anonanairwa nezvinhu mumuviri izvo zvisingaonekwe.

“Anofambwa nezvinhu kumusana nekudumbu izvo zvisingaonekwe. Anongonzwika nekuchema achiti ari kufambwa nezvinhu zvinomuswinya.

‘‘Zvikatanga zvinoswerera zvekuti anoshaya kana basa raanoita kusvikira zvazonyarara,” vanodaro.

Vanoti pavanofamba vanonzi pane mhepo dzemumusha dzinovatevera.

VaKadyaridzire vanoti pavana vavo vatanhatu — vasikana vatatu nevakomana vatatu — vose vane matambudziko makukutu.

“Ndine hanzvadzi yangu iri kuMasvingo iyo yakafirwa nevana vatatu vachitevedzana. Mukuru akafa ava Form 3, akangoti apindwa nemhepo mumusoro ndokufa.

‘‘Vamwewo vane matambudziko akasiyana. Vabereki vedu variko.”

Mashoko aVaKadyaridzire anotsinhirwa nemudzimai wavo achiti anonanairwa mumuviri wose nezvinhu zvisingaonekwi.

“Zvinondifamba mumuviri wose, kutonzwa sewakabatwa nemunhu.

‘‘Zvinotanga nekumusana zvozodzika nemuviri wose, zvimwe zvichiita sezvine mawoko anomara seane man’a,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoti anoperawo simba achitoita seanoda kufenda.

VaKadyaridzire vanotiwo vanopera simba uye vanofungidzira kuti pane zvinhu zvavanoshinha nazvo.

“Ndine fungidziro yekuti ndinoshandiswa semurume wezvidhoma,” vanodaro ndokuwedzera vachiti vanopinda chechi yeJohane Masowe yeChishanu asi havasi kugona kubatsirwa ikoko.

“Ndakamboenda kuChiweshe tikanobviswa zvinhu munyama dzedu zvikanzi zvapera, asi dambudziko ndinaro nanhasi.”

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanokurudzira mhuri iyi kuti itsvage rubatsiro kune vanogona nguva ichiripo.

Madzibaba Elias Gomwe veJohane Masowe yeChishanu vanoti dambudziko rakatarisana naVaKadyaridzire rinogona kunge riri kukonzerwa nezvikwambo kana zvidhoma.

 Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanofona pa0775 674 704 kana 0771 381 894.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>