Makorokoza ari panyatwa yeTB

14 Sep, 2022 - 16:09 0 Views
Makorokoza ari panyatwa yeTB makorokoza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VATORI venhau vakakosha zvikuru mukubatsira mabasa eHurumende ekurwisa chirwere cherurindi kuburikidzwa nezvinyorwa zvavo uye nhepfenyuro dzinotererwa neveruzhinji.

Izvi zvakabuda pachirongwa chekurwisa denda iri chinodaidzwa kunzi Kunda-Nqob’iTB (KN-TB) chakaitirwa kuKwekwe munguva pfupi yadarika nebazi rezveutano nekurerwa kwevana pasi pechikamu cheNational TB Programme (NTP) neThe Union Zimbabwe Trust (UZT).

Dr Sithabiso Dube vanova technical director kuUZT vanoti vatori venhau vane basa guru rekufambisa mashoko maringe nezvechirwere ichi.

“Kuti nyika ikwanise kukunda mukurwisa chirwere cherurindi panozosvika gore ra2035, zvinoda mushandirapamwe wemasangano anoita zvirongwa zvekurwisa chirwere ichi, varapi, vatori venhau naivo vanhu vari munharaunda vanenge vachifanira kubatsirwa.

Dr Dube

“Vatori venhau vanofanira kupakurirwa ruzivo rwechokwadi uye rwuzere kuitira kuti tisanyepere nyika. Takaona paine mikaha mikuru maringe nenyaya dzekumha’arwa kwechirwere ichi izvo zvakatisunda kuti tibate pamwe nevatori venhau,” vanodaro.

Chirongwa ichi chinotsigirwa nesangano reUnited States Agency for International Development (USAID) nedonzvo rekurwisa chirwere cherurindi neHIV mumadistricts masere ari munyika uye matunhu matatu anoti Matabeleland South, Midlands neMasvingo.

“Nzvimbo idzi dzakasarudzwa kuti dziitwe zvirongwa zvekurwisa rurindi nekuda kwekuti dzine huwandu hwechirwere ichi, kuwanda kwevanhu vari mumabasa ezvicherwa (makorokoza) nekuderera kwehuwandu hwevanopora kubva kuchirwere ichochi.

“Somuenzaniso, vanhu vari mumabasa ezvicherwa vazhinji vavo vanokundikana kurapwa vachipedza mishonga yavo nekuti vanogara vachitama zvichikonzera kuti pakundikane kuva netevedzo yakanaka mukurapwa kwavo. Makorokoza vanoti kana goridhe rikapera, vanobva voenda pamwe,” vanodaro.

Dr Dube vanoti vanhu vanopinda mumigodhi vachichera zvicherwa vanofema huruva yakanyanya inodaidzwa kunzi silicosis izvo zvinoita kuti vabatwe nechirwere cherurindi chakaipisisa.

“Huruva iyi inosvikokuvadza mapapu nedzimwe nhengo dzemuviri zvekuti kana munhu akanonoka kuwana rubatsiro rwekurapwa, anopedzisira arasikirwa neupenyu. Vana kana vamwe vanhu vakuru vanogara nevarwere vane rurindi vasati vatanga kurapwa vane mikana yakakura yekutapurirwa,” vanodaro.

Dr Dube vanoti vari kuita zvekare zvirongwa zvekupinda munhaunda dzine vanhu (road shows) vachikusha mashoko echenjedzo pamwe nekuvheneka chirwere cherurindi neCovid-19 panguva imwe chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>