Makororo 5 asungwa

14 Jan, 2024 - 10:01 0 Views
Makororo 5 asungwa Mamwe emakororo akasungwa.jpg

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAKORORO mashanu ange arura nekupaza dzimba achiba zvinhu zvakasiyana-siyana kuGweru akasungwa izvo zvakabatsira mukuwanikwa kwemimwe midziyo yaive yabiwa.

Makororo aya akasungwa kubva nemusi wa5 kusvika 7 Ndira gore rino.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti kwakatanga kusungwa makororo mana ayo ari kupomerwa mhosva dzekuba vakapakata dzinokwana gumi neimwe chete.

Mhosva idzi dzakaparwa kuMkoba North nekuNgamo kuGweru kubvira gore rapera kusvika pari zvino.

Mumwe wemakororo aya, Tafadzwa Tundwane (25), wekwaSabhuku Mapembere kwaMambo Ndanga, kuShurugwi akazosungwawo nenyaya dzekupaza achiba zvekare muzvikoro kunharaunda yeTongogara.

Insp Mahoko vanoti nyaya yemakororo aya yakabuda pachena zvichitevera kuparwa kwemhosva yekuedza kuponda apo Melody Nhongo (26) akabaiwa nebanga naJoseph Musa (20) pamwe naMandlenkosi Ndebele (18) panzvimbo yemabhizimisi yeNgamo.

“Mapurisa akatanga kuferefeta nyaya iyi kusvikira vakanobata vana (4) ava Joseph Musa (20), Mandlenkosi Ndebele (18), Cleopas Mtetwa (31) naNkosilathi Gumbo (35) vari kunzvimbo dzakasiyana uye vose vanobva kuNgamo kuGweru,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti mapurisa ari kutsvagawo vamwe vanosanganisira Lovemore Siziba, Mthulisi Sibanda, Bekhani Ndlovu, naNkululeko Nduna vose vanobva kuNgamo zvekare.

Insp Mahoko vanoti vasungwa ava vari kupomerwa kuba mari inosvika US$2 500 nemidziyo inokosha US$1 500.

“Midziyo yakawanikwa inosanganisira nhare 11, magumbeze nematerevhizheni. Vamhan’ari vakauya munyaya idzi vanokwana vashanu uye tinokurudzira vamwe vane zvavakashaya kuti vaenda kumapurisa ekuNehanda kunotarisa, kunyanya vakabirwa nhare dzavo,” vanodaro Insp Mahoko.

Tundwane anonzi aipaza achiba muzvikoro kunharaunda yeTongogara.

“Tundwane aipaza muzvikoro nemudzimba dzevadzidzisi achiba zvinhu zvinosanganisira mbatya dzechikoro, midziyo yemagetsi, magumbeze, matangi egasi nedzimwe mbatya dzakasiyana,” vanodaro Insp Mahoko.

Tundwane akazosungwa kunzvimbo yemabhizimisi yeChikava kuShurugwi uko akawanikwa achitengesa midziyo yaaiva aba.

“Tafadzwa Tundwane anonzi ane chekuita nekupazwa uye kubiwa paVungwi Primary neMpangayi Secondary kuShurugwi. Midziyo yose yakabiwa inokosha US$5 000 apo inokosha US$4 000 yakawanikwa nemapurisa. Mapurisa vari kutsvaga Mabeza Lordshare wekwaSabhuku Mabeza kwaMambo Ndanga kuShurugwi uyo anonzi aiba pamwe chete naTafadzwa Tundwane. Tinokumbira kuruzhinji kubatsirwa nemashoko anoita kuti murume uyu asungwe,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>