Makusha otarisira kuenda kumaOlympics

23 Jan, 2023 - 15:01 0 Views
Makusha otarisira kuenda kumaOlympics Ngoni Makusha

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yemujaho wekumhanya — Ngoni Makusha — anoti chishuvo chake chegore rino kuhwina menduru mumijaho yakasiyana uye nekubudirira kuenda kumakwishu eParis 2023 Olympics ayo achaitirwa kuFrance gore rinotevera.

Makusha mwaka wake wekumhanya uri kutanga svondo rino apo ari kunokwikwidza kuBotswana mumujaho uyo anoti uchamurakidza kuti ari papi pagadziriro dzake.

Mujaho uyu mumwe uyo Makusha ari kushandisa mukurwira tikiti rekuenda kunokwikwidza kuOlympics uye World Athletics Championship iyo ichaitwa gore rino kuBudapest, kuHungary.

Asati aenda kuHungary, Makusha achaenda kunomirira nyika kumakwishu eAfrican Games ayo achaitirwa kuGhana munaNyamavhuvhu.

“Mwaka wangu wegore rino uri kutanga svondo rino apo ndiri kuenda kuBotswana kunokwikwidza mumujaho wangu wekutanga uyo ndichaushandisa kuona kuti ndiri papi pakugadzirira uye kuti chii chandinoda mugadziriro dzangu nekuti mwaka wangu wegore rino mukuru.

“Ndine mujaho weAfrican Games uri kuuya mwaka uno uye ndinoda kunohwina menduru ikoko. Ndinoda zvakare kurwira kuenda kumujaho weWorld Championships nekudzokera kumaOlympics ayo ariko gore rinotevera kuParis, kuFrance,” anodaro.

Makusha aive kumujaho wemaOlympics uyo wakapedzisira kuitirwa kuTokyo, kuJapan 2021 uko akakundikana kusvika kumasemi-final kunyangwe zvazvo ainge ambohwina mujaho wake wekutanga.

Mujaho wechipiri akazopedza ari pechinomwe izvo zvakamutadzisa kuenda kumasemi-final ndokubva adzoka kumusha.

Gore rino, mujaho wemaAfrican Games uchatanga nemusi wa4 Nyamavhuvhu uye uchizopera nemusi wa19 Nyamavhuvhu.

Nerimwewo divi, mujaho weWorld Championship wekuHungary uchatanga nemusi wa19 Nyamavhuvhu uchizopera nemusi wa27 Nyamavhuvhu.

Share This:

Sponsored Links