Makwikwi ePSL adzoka

24 Jun, 2022 - 12:06 0 Views
Makwikwi ePSL adzoka Norman Mapeza

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weFC Platinum – Norman ‘Muchina wemajuzi’ Mapeza – anoti mujaho wekurwira mukombe wePremier Soccer League watanga apo zvikwata zvose zvave kudzoka kuzokwikwidza muchikamu chechipiri chePSL.

Mitambo yePSL yange yakamiswa kwemasvondo maviri adarika senzira yekupa zvikwata mukana wetura befu pamwe nekuti nhandare dzimbovandudzwe.

FC Platium ndiyo yakatora mukombe wePSL gore radarika, Pakamiswa mitambo yePSL, Chicken Inn ndiyo yaitungamira palog iine zvibodzwa 35 kubva pamitambo 17 yayange yatamba. MaGamecocks, sezita remadunhurirwa reChicken Inn, aiteverwa neFC Platinum iyo ine zvibodzwa 34 kubva mumitambo 17 kuchiti Dynamos FC ndiyo iri pechitatu ine zvibodzwa 34 zvekare kubva pamitambo 16.

Achitaura ari kuZvishavane uko ari kuita gadziriro nechikwata chake, Mapeza anoti chikamu chechipiri chePSL icho vatarisana nacho chakaomarara zvikuru.

“Kurwira mukombe wePSL mujaho mukuru wakaoma saka tave kutokunya dzisimbe nekuti kwatave kuenda makata chaiwo. “Zvikwata zvose zviri kurwa semvumba kuti zvisaburitswe muPSL,” anodaro Mapeza.

Apo pari kudzoka mitambo yePSL svondo rino, Pure Platinum Play (FC Platinum) iri kunanga kuBulawayo uko ichanosangana neBulawayo City musi weMugovera kuBabourfields.

Bulawayo City chimwe chezvikwata zviri kutatarika mwaka uno izvo zvaona chichikwanisa kuwana zvibodzwa 12 chete kubva mumitambo 17.

Pari zvino, Bulawayo City yakagara pechi17 palog iri pamusoro peWhawha iyo yakasenga iine zvibodzwa 12. Mapeza anoti zvikwata zvakaita seBulawayo City zvinotyisa kusangana nazvo sezvo zvinenge zvichirwira kuti zvisaburitswe muPSL.

“Zvikwata zvakaita seBulawayo City hazvina kumira zvakanaka nekuti zvinenge zvichitorwira kuti zvisaburitswe muPSL. Saka iyi ndiyo mitambo yekutongwarira nekuti inogona kuenda kwese kwese,” anodaro Mapeza.

Achitaurawo nekudzoka kwePSL svondo rino, murairidzi weCranborne Bullets – Nesbert ‘Yabo’ Saruchera – anoti haasi kugutsikana nematambiro ange achiita chikwata chake muchikamu chekutanga chePSL.

Nesbert Saruchera

Asi anoti ari kutarisira kuti vachashanda nesimba kuti vagopinda muTop 8. Pari zvino Cranborne Bullets yakagara pechi15 palog uye yakwanisa kuwana zvibodzwa 15 kubva mumitambo 17.

“Patakapinda muPSL, taitarisira kuvhundutsa vanhu asi handizvo zvakazoitika. Saka tave kutokunya dzisimbe mumitambo yatatarisana nayo muchikamu chepiri kuitira kuti tigosimukira.

“Tichawedzera vatambi vaviri kana vatatu kuti tigadzirise pano neapo panoda kugadziriswa kuitira kuti tinyatsosimba chaizvo. Zvamunongoziva, vakomana vedu ava vazhinji takabva navo kuDivision One saka pari kudiwa vanouya vosimbisa chikwata chedu chonyatsomira zvakasimba,” anodaro Yabo.

Chikwata chaYabo svondo rino chichange chiri pamusha apo chichasangana neChicken Inn musi weMugovera kuSakubva Stadium.

Zvakadaro, kune mimwe mitambo iriko, Yadah Stars ichasangana neDynamos musi weMugovera kuNational Sports Stadium kuchiti CAPS United ichatsurana neZPC Kariba musi weSvondo panhandare imwe cheteyo.

Highlanders ichasangana neBlack Rhinos musi weSvondo kuBabourfields mumutambo uchange uri wekutanga waBaltemar Jose de Oliveira Brito, chizvarwa chekuPortugal uyo aimbove mutevedzeri waJose Mourinho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>