Mambo Saunyama vadzika mitemo . . .

13 Feb, 2024 - 14:02 0 Views
Mambo Saunyama vadzika mitemo . . . Mambo Saunyama

Kwayedza

. Vorambidza kutengeswa kwemichero yesango

. Machechi haachatenderwa kukwira makomo

. Hembe tsvuku munguva yekunaya hadzidiwe

Cletus Mushanawani

KUTENGESA michero yemusango, kunamatira mumakomo nekupfeka mbatya tsvuku munguva yekunaya kwemvura hazvichatenderwa kudunhu raMambo Saunyama, kuNyanga.

Muhurukuro, Mambo Saunyama vachangobva kugadzwa, VaSolomon Mapuranga, vanokurudzira vanhu vemudunhu ravo kuti varemekedze tsika nemagariro echivanhu.

Mambo Saunyama vakagadzwa naPresident Mnangagwa musi wa2 Mbudzi 2023.

Vakatora chigaro change chakafanobatwa naVaVictor Dahwa Saunyama kwemakore gumi nematatu apfuura.

Zvimwe zvezvisungo zvinokwezva zvirango kubva kunashe wedunhu iri – kusanganisira masadunhu anoti Mushonga, Sanyamaropa, Madongonda, Ganje, Nyamutowa, Tsvito naNyamahumba – kuunganidza nekutengesa michero yemusango yakaita semazhanje, kunamatira mumakomo nekupfeka mbatya tsvuku munguva yekunaya kwemvura.

Mazhanje

“Tinogara tichida kuti vanhu varemekedze tsika nemagariro edu. Kuunganidza nekutengesa michero yemusango yakaita semazhanje kunorambidzwa munzvimbo yangu. Vanhu vanogona kuzviunganidzira kuti vazvidye ivo kwete kuita pundutso nazvo.

“Mhuka dzesango dzakaita semakudo dzinoda kuwana chekudya kubva mumichero yemusango iyi. Kana vanhu vakabatwa nebhagidhi rakazara mazhanje, mutongo wavo ndewebhagidhiwo rechibage icho chinozonodirwa musango kuti makudo nedzimwe mhuka dzesango zvidye.

“Minamato mumakomo inorambidzwawo sezvo vamwe vanhu vanokanganisa nzvimbo dzedu dzinoyera. Tinoda kurarama mukuwirirana nezvisikwa. Mamwe makomo aya inzvimbo dzinovigwa madzishe edu uye anoshandiswawo kuita zvechivanhu saka haafanirwe kusvibiswa kuburikidza nekumisikidzwa kwemachira ane mavara akasiyana, kusanganisira iwo eruvara rutsvuku.

“Kupfeka mbatya tsvuku mumwaka weZhizha kunorambidzwa zvakare nekuti izvi zvinotsamwisa midzimu yenyika iyo inotiranga nekusanaya kwemvura,” vanodaro Mambo Saunyama apo vaiva naSadunhu Landmine Madongonda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>