Uncategorized

Mamiriro akaita madhamu haana kusanduka

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Mamiriro akaita madhamu haana kusanduka

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Sangano reZimbabwe National Water Authority (Zinwa) rinoti huwandu hwemvura mumadhamu emuZimbabwe hauna kusanduka, zvisinei nekunaya kwemvura kumamwe matunhu enyika. Huwandu hwemvura (national avarage dam level) hwakaderera kubva pa68,1% kuenda pa67,8% svondo radarika.

Mukushi wemashoko kuZinwa, VaTsungirayi Shoriwa, vanoti Manyame Dam ndiro rine mvura yakawanda kupinda mamwe madhamu apo riine chikamu che88% richiteverwa neMazowe Dam iro riri pa86,6%.

“Mzingwane iri pa81,3%, Save 77,2%, Sanyati 76,7%, Gwayi 65,6% kuchiti Runde iri pa53,9%. Hapana shanduko iripo kana takatarisa maringe nehuwandu hwemvura, zvisinei nekuti kwakambonaya kune mamwe matunhu.

“Asi zvakadaro, madhamu mazhinji achine mvura yakaringana iyo inokwanisa kubatsira varimi pakudiridza neyekushandisa mumaguta,” vanodaro VaShoriwa.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vachengetedze mvura sezvo yakakosha muraramo  yavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>