Uncategorized

Mamiriro ekunze

04 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
Mamiriro ekunze

Kwayedza

Kubva 3 Mbudzi kusvika 6 Mbudzi 2016:

Nyika yose yakasangana nekupisa kwakanyanya pamwe nekuve nemwando kubva musi wa23 kusvika 25 Gumiguru. Izvi zvakakonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze, kunyanya kumatunhu anoti Matabeleland, Mashonaland, Midlands neManicaland. Munguva yemuchidimbu chekutanga chevhiki, mvura yakanaya ichikonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze aya asi yaive shoma zvikuru. Muchikamu chechidimbu chechipiri cha26 kusvika 30 Gumiguru zviteshi zvishoma zveMeteorological Services Department zvakawana mvura shoma yakanaya zvakare, zvisinei Plumtree yakawana mvura yakawanda yakanaya iyo yaive 25 mm musi wa26 Gumiguru.

1 Mbudzi kusvika 6 Mbudzi: Mvura inotarisirwa kunaya kunzvimbo dzakawanda dzenyika kunyanya kumatunhu eMashonaland, Matabeleland North nekumusoro kweManicaland.

Ngationesanei:

Mwando uri kuramba uripo chiratidzo chekutanga kwemwaka wemvura mukuvamba kwemwedzi waMbudzi. Kukwira kwekudziya kwekunze kunoreva kuti mvura yakawanda iri kuenda kudenga (evaporation) zvichirevawo kuti mvura yange ichinaya yange ichibva yangokwira kudenga.

Zvisinei, chiri kunyanya kushungurudza idutu remhepo nechivhuramahwe izvo zvinowanzoitika panguva ino zvichiparadza gorosi rakarimwa munguva yechando iro rinenge richiri muminda risati rakohwewa. — Met Department.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>