Manesi ekuChitungwiza obhadharisa US$

03 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Manesi ekuChitungwiza obhadharisa US$ Dr Kasu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VAGARI vekuChitungwiza vari kunyunyuta nezviri kuitwa nevamwe varapi veko – kunyanya vepaSt Mary’s Clinic – avo vavanoti vari kuvabhadharisa mari dzesikero kana kuti dzekubaisa vana majekiseni izvo zvinofanirwa kuitwa pachena.

Vabereki vakakurukura neKwayedza vanoti vamwe vana mukoti vepakiriniki yekanzuru iyi vanoda mari iri pakati peUS$5 kusvika US$7 kuti mwana atorwe sikero kana kubaiwa majekiseni ekudzivirira zvirwere.

“Kubvira ndichienda nemwana ku6 weeks, manesi anongonditi tangai mabhadhara US$5 kana US$7. Ini nekushaya mari iyi, ndinongodzokera nemwana kumba nevamwe vanamai vanoshaya seni.

“Nhasi chaiye (nemusi weMuvhuro svondo rino) ndaenda zvekare nemwana manesi vakatodaidzira kuti vasina mari iyi ngavadzokere zvavo kumba. Ndatosiya pakiriniki apa paine mutsetse wakareba uri kubuda kugedhi apo vabereki vakangomira vachiratidza kupererwa. Kutaura chokwadi mari hatina uye iri kunetsa kuwana,” anodaro mumwe wemadzimai aya uyo asina kusununguka kudurwa nezita rake.

Anoti vakasvika pakuzivisa nhengo dzesangano reChitungwiza Residents Trust sezvo achiziva kuti zvirongwa zverudzi urwu zvinofanira kuitwa pachena.

Kune mutemo unoti vana vose vemakore ari pasi pemashanu ekuberekwa, pamwe chete nevakwegura avo vane makore anobva pa60 zvichikwira vanofanirwa kurapwa pachena.

“Zvinorwadza kuti Hurumende yakaisa mutemo wekuti vana vose vari pasi pemakore mashanu vanofanirwa kurapwa pachena asi makiriniki ekuno ari kuita zvinopokana naizvozvo. Izvi zviri kuisa vana vedu panjodzi yekubatwa nezvirwere izvo zvinofanira kunge zvichidzivirirwa.

“Nekuti zvirwere zvakaita semhetamakumbo, gwirikwiti, rurindi nezvimwe zvikasadzivirirwa nenguva injodzi kumwana,” vanodaro amai ava.

Vopindura mibvunzo yeKwayedza, Dr Tonderai Kasu, avo vanova mukuru wezveutano mukanzuru yeChitungwiza, vanotsinhira kuti vakanzwa nezvenyaya iyi uye vari kuita ongororo.

“Nyaya yevabereki vari kubhadhariswa mari pane imwe kiriniki yedu yekuSt Mary’s takainzwa nezuro (Muvhuro). Tiri kuita ongororo tichishanda pamwe chete neveZimbabwe Anti-Corruption Commission nekuti kuita uku imhosva huru. Chakakosha kuti tibate umbowo tobva tatora matanho akakodzera,” vanodaro Dr Kasu.

Votaurawo nezvenyaya iyi, Dr Gibson Mhlanga – avo vanova Preventative Services Chief Director uye vakafanobata chigaro chemunyori mukuru kubazi rezveutano nekurerwa kwevana – vanoti sikero yevana haibhadhariswe.

“Vana havafanire kubhadhariswa sikero, zvose zvinofanira kuitwa pachena nerutsigiro rweHurumende,” vanodaro Dr Mhlanga.

Kuchiti director weChitungwiza Residents Trust, Alice Kuvheya anotiwo ibasa ravo rekumiririra vagari vedhorobha iri kuti kodzero dzavo dzisatyorwa.

“Kodzero yeutano iri mubumbiro remutemo renyika nekudaro kubhadharisa vana sikero kutyora kodzero dzavo uye tinonamata kuti vapari vemhosva dzakadai vatarisane nemutemo. Tabatikana nechiikiko ichi nekuti hazvikodzere kuti vakoti vatengese mishonga yesikero uye tinokurudzira kanzuru kuti ipindire nezviri kuitika mumakiriniki ayo,” anodaro.

Anokurudzira vamhan’ari venyaya dzerudzi urwu kuti vatore umbowo kana kubata sangano ravo panhare dzinoti 0713 320 005.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>