Uncategorized

Manje isu hatikwatiswe: Zrp

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Manje isu  hatikwatiswe: Zrp Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUTAURIRI wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vari kuyambira vanhu vane katsika kekuvhundutsira kana kukanganisa mapurisa apo vanenge vari pabasa ravo vachiti vasiyane nekuita uku sezvo kuri kupara mhosva.Yambiro iyi inotevera nyaya yemurume anova n’anga achizviti nditsikamutanda wekuGweru uyo anonzi akaenda pakamba yeNehanda Police Station ndokunovhundutsira mapurisa epo achiti aizovarovesa nemheni nekukonzera kuti vafe nekuti ari kuvapomera kutadza kumubatsira panyaya yaainge anomhan’ara yekubirwa foni yake.

“Nyaya yemurume uyo ari kuvhundutsira mapurisa tinayo, iri kuongororwa zvakasimba nekuti hakuna munhu ane mvumo yekuvhundutsira mumwe munhu —zvikuru mapurisa vanenge vachiita basa ravo.

“Kune vanoita izvi tinoti vasazochema nekuzvitutumadza kwavo nekuti nyika ino ine mitemo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Mapurisa anofanirwa kushanda pasina kutyisidzirwa, kwete kutya vamwe vanhu vanofunga kuti vane masimba ekukwanisa kukanganisa mashandiro avo.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>