Manyama amire nerongo kuCAPS

02 Sep, 2022 - 17:09 0 Views
Manyama amire nerongo kuCAPS

Kwayedza

Tadiuos Manyepo
CAPS United ichapinda mune mumwe mutambo isina kugadzirira zvakakwana, zvakare pave nemwedzi mitatu vatambi vechikwata ichi vasiri kutambira.

Vatambi vange vachiramba kuita gadziriro uye ndokumbotyisidzira kusazadzikisa mitambo yavo, asi hakuna chabuda kubva mukuita uku.

Makepekepe ichatamba neHerentals mumutambo weCastle Lager Premiership kunhandare yeNational Sports Stadium neMugovera uno, asi inogona kupinda mumutambo uyu isina kunyatsougadzirira zvakakwana.

Vatambi havana kunoita gadziriro dzavo nezuro. Vari kuti vanoda kubhadharwa mari yavo panguva iyo chamangwiza wechikwata ichi, Charlie Jones, anonzi akange avavimbisa kuti vaizobhadharwa musi weChipiri.

Jones aisadaira nhare yake, asi vatambi vakataura neKwayedza nezuro vakati vanogona kumanikidzwa kusatamba mutambo wesvondo rino neHerentals.

“Haisi nyaya diki. Hutungamiri huri kutamba nesu kwenguva refu. Chandinokwanisa kukuudzai ndechekuti vatambi vari kuronga kusatamba mutambo weHerentals.

“Tange tichizvibata tichizvidzora, ndoona sekunge tazvibata zvakanyanyisa kuhutungamiri. Chavanogona inhema uye hapana chavanozoita.

“Nyaya yacho payave hapasisina kunaka. Zviri kwaviri ngavatibhadhare kana kuti hatitambe,” anodaro umwe mutambi.

“Tange tichizvibata senyanzvi. Takavaremekedza, tange tichivaterera kakawanda, saka hatifanirwe kubatwa mabatirwo akadai.

“Takaramba kuita gadziriro. Fungai takasvika muguta na1am musi weMuvhuro tafamba kubva kuBulawayo uko tainge tatamba neHighlanders. Vakati vanoda kutiudza kuti tiite gadziriro dzedu musi weChipiri ivo vasina kutibhadhara . . .”

Vatambi veKepekepe vakaramba kuita gadziriro dzavo svondo radarika apo vainge vakatarisana nemtambo weHighlanders.

Vaisaenda kwavanoitira gadziriro dzavo svondo rose ndokuzooneka musi weChishanu apo vakaita gadziriro. Kutadza kugadzirira zvakakwana kwakaonekwa zvichitevera kukundwa kwavakaitwa neBosso 2-1 svondo radarika.

Svondo rino vari kupinda mune mumwezve mutambo mukuru apo vachasangana nemaStudents ayo ari kutamba nhabvu inonwisa mvura mazuva ano.

Mitambo yePSL:
Nhasi:
Yadah v Highlanders (NSS)

Mugovera:
Cranborne Bullets v Whahwa (Vengere)
Chicken Inn v Ngezi (Luveve)
CAPS Utd v Herentals (NSS)
FC Platinum v Manica Diamonds (Mandava)

Svondo:
Tenax v ZPC Kariba (Vengere)
Bulawayo Chiefs vs Black Rhinos (Luveve)
Triangle v Bulawayo City (Gibbo)
Dynamos v Harare City (NSS)

Share This:

Sponsored Links