Uncategorized

Manyepo apere semaperembudzi aNamani

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

NGUVA dzesarudzo inguva dzekupenga. Kune vanhu vanoita zvavasingaite mazuva ese. Vamwe vanonyepa, vamwe vanoba, vamwe vachiita hasha, kurova nekutuka.

Izvozvi mukaenda kuzvitokisi kune vakasungirwa nyaya dzakasiyana-siyana dzine chekuita nesarudzo. Mukaendawo kuzvipatara, variko vakapihwa mibhedha, mapiritsi, madhiripi nemabhandeji nekuda kwesarudzo.

Ndiri kunamata kuna Jehovha wedenga kuti adzosere vanhu pfungwa kwadzo mushure menguva yesarudzo.

Munamato wangu wave wekuti Mwari vatipe vatungamiri vanoziva kuti nyika inoda vatariri, inoda vachengeti vanochemera vanhu vavo. Ndiri kukumbira Jehovha kuti vatipe vatungamiri vane nduramo sekuimba kwatinoita murwiyo rwenyika.

Nyika yedu inodawo kuropafadzwa, asi havasi Mwari vanovhota, tisu isu vanhu veZimbabwe takavhota. Mwari vanoropafadza nyika kana vatungamiri vachishaya hope kuti manyepo apere semaperembudzi aNamani. Mwari vanoropafadza nyika kana huwori hukasawaridzirwa masheets akachena, pamubhedha wakanaka kuti huwondonge nyangwe masvingo eZimbabwe nengonono dzahwo.

Mwari vanoropafadza nyika, kana kuzadza matumbu evane mari nezvavasina kushandira kukashandurirwa pasi segejo riri kurimira manyowa pasi. Zvakanaka tinozvida tese, uye ngatizvishandire tese tichidanana nekuremekedzana.

Nyika yedu inoropafadzwa kana tikaziva kuti munhu wese ane basa munyika yedu, zvisinei nebato kana zera. Kana tikarega mweya wekudimudzira kuti tikurumidze kusvika nekuwana zvinoda kuti titevedze mzira. Nyika haivakwe nemushika-shika nekushaya mutemo. Nyika haivakwe nekudya zvevapfupi nekureba.

Nyika haisi nyoka inorohwa kusvika yati tapa-tapa. Nyika inoda kuvakwa, asi haivakwe nekupinzana mabasa nekutengerana hwahwa nekuita chipfambi. Nyika yedu iri kuda kutanga patsva. Nyika yedu iri kuda kuti titendeuke patsika dzekatsi dzekushandisa gaba rine hupfu sechimbuzi.

Ngatirege kupembedza zvivi. Chakaipa ngachirege kunzi chakanaka, nekuti zvimwe ndezvimwe nyoka hadzisi zvipfuyo. Ngatibvise matanda ari mumaziso medu tisati tatanga kutsvaga tubanzi twuri mumaziso evamwe.

Ngatitauriranei chokwadi, chokwadi chigotiita kuti tisiye nhaka isina madhaka kuvana.

Kana tichiti hatina zvivi tinozvinyepera. Mwari vanoda vanhu vanozvininipisa. Ngatitungamidze Mwari munyika yedu kuti Mwari vagotiwanira nyasha. Kana tikavimba nehuchenjeri hwedu semakombi anotyora mitemo yese nekuti vari kuda kuita mari, Mwari vachatisiya kuti tiparare.

Mwoyo wemunhu wakaipisisa kwazvo, uye kana tiri vanhu vekutsvaga mbiri, ngatizive kuti simba nembiri ndezvaMwari.

Mwari vachatibatsira munyika ino kana tikaremekedza mitemo, uye nevanoona nezvemitemo vakave varume nevakadzi vasina chavanopomerwa. Mwari vachatinzwa kana vanhu vakapihwa mabasa nekuti vanogona basa, uye vakakodzera kunge vari pabasa iroro.

Muzvikoro ngamupere zvekubiridzirwa kwebvunzo. Mumayunivhesiti vanogirajuweta ngavave vakashandira zvitupa zvavo. Ngatirege kuita ndidye ndidye, asi tichidya zvimbishi.

Mwari ngavatibatsire kuti tizive kuti kurwa kunoitwa nemhuka, asi vanhu vanoremekedzana uye vachisiya pehukama. Chinokura chichirwa ingwe.

Nyika yedu inoda kupodzwa. Vanhu vanovhaira nemari vachipfachura mari munyika ine vamwe vari kurara nenzara nezvipatara zviri kushaya mishonga ngavaferefetwe. Vanhu ngavawane mari dzavo. Vanhu ngavarege kutya munyika yavo. Vanhu ngavafare varege kugara vachitya kuti mangwana tichazovei.

Kushanda nesimba ngakutibatsire. Kushanda nemwoyo wese ngakurumbidzwe.

Ngatidzidzewo kubva kunyika dzevamwe. Dai fire brigade yadzimura moto wekuda mari nezvinhu waparadza dzimba newanano munyika muno. Hakusi kuwana zvese zvatinoda kuchatipa kuti tive vanhu, asi tsika nehunhu nekuzvidzora. Kuziva kuti nyika ino inyika yedu nevachazouya mumashure medu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>