Uncategorized

MAONERO EDU: Hohwa – Ko kuhuregera?

23 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
MAONERO EDU: Hohwa – Ko kuhuregera?

Kwayedza

MUNGUVA ino yemwaka weZhizha hohwa huri kubuda hwakawanda kunzvimbo zhinji dzenyika nekuda kwemvura iri kunaya.

Hohwa kudya kunofarirwa nevakawanda izvo zvinoita kuti huwanikwe huchitengeswa kunzvimbo dzakasiyana dzinosanganisira mumigwagwa, mukati memaguta kana madhorobha uye muzvitoro.

Asi zvisinei nekufarirwa kunoitwa hohwa neveruzhinji, gore roga-roga kune vanofa mushure mekunge vahudya, zvikuru avo vanenge vadya makorwa hunova hohwa hunouraya.

Gore rino bedzi kusvika pari zvino, vanhu vanokwana 16 vafa kumativi mana enyika mushure mekunge vadya hohwa uye vakawanda vavo vakafa masvondo mashoma adarika. Pavanhu 16 vakafa nehohwa ava, 11 vavo ndevekuMberengwa, avo vakafa vadya hohwa hwainge hwatsvaga nemusikana ane makore 16 ekuberekwa.Mumwe achangobva kufa nehohwa mwana ane makore mana ekuberekwa wekuFilabusi – uyo anga ari muchipatara cheMpilo Central Hospital, kuBulawayo – ndokuzoshaika svondo rino.

Mhuri yemwana uyu yakarasikirwa nevamwe vanhu vana svondo rapera avo vanonzi vakafa mushure mekudya howa hunokora.

Zvakadai, huwandu hwevanhu vari kuzivikanwa vafa nehowa kusvika pari zvino hwakawanda kana zvichienzaniswa nemakore adarika.

Mugore ra2012, vanhu vana vemumhuri imwe chete vakafa mushure mekunge vadya hohwa apo vamwe vaviri vemune imwe mhuri vakafawo muna 2011 kuEpworth, muHarare.

Vamwe vanhu 6 zvakare vakafa mugore ra2010 kuBeatrice mushure mekudya makorwa ehohwa uye vana vevanhu ava vaive vemhuri imwe chete.

Panyaya yehohwa iyi, pane hunozivikanwa semakorwa uhwo husingadyiwi, kwoitawo hunodyiwa asi hunonzi hukamera munzvimbo ine mapuranga munhu akahutora akanobika pamwe nekudya anogona kufa.

Mamiriro ezvinhu akadai anonetsa nekuti vanhu vanotenga howa mumigwagwa havazive kuti hunenge hwadzurwa munzvimbo dzakaita sei.

Kune vamwe vanhu vakagariswa patsva kumapurazi uko dzimwe dzenzvimbo idzi dzaimbova nemiti yemapuranga kare. Vanhu ivava vanofanirwa kungwarira kudzura makorwa ehohwa.

Zvinogona kuitika kuti hohwa hunomera paimbove nemiti yemapuranga, munhu ozohudzura onobika pamwe nekudya kana kutengesera vamwe vanhu. Muchidimbu, tiri kuti vanotenga howa hunotengeswa pose-pose vari kuisa upenyu hwavo panjodzi nekuti havazive kuti hunenge hwatorwa panzvimbo yakaita sei. Vanhu ngavaregewo kudya hohwa hwavasina chokwadi naho uye vasatume vana vadiki kunotsvaga hohwa nekuti vanopedzisira vodyiswa makorwa. Pamusoro pezvo, kana munhu akadya hohwa hwaanofungira kuti hunogona kukanganisa upenyu hwake, ngaaende kuchipatara kana kukiriniki nekukasika. Izvi zvinobatsira pakuti munhu anokasika kurapwa pane kuzoenda hurwere hwagodza mumuviri.

Zvimwe zvezviratidzo zvinoitika kana munhu adya makorwa ehohwa zvinosanganisira kutemwa nemusoro, kunzwa kupera simba, kudikitira munhu achitonhorwa, kurwadziwa nemudumbu kwakanyanya nekuchaya manyoka. Zvinorwadza kurasikirwa neupenyu nekuda kwehohwa nekudaro kana zvichibvira vanhu ngavarege havo kutohudya zvachose.

Kana hohwa huchiita kuti vahudya varasikirwe neupenyu, ko kuhuregera zvinoita sei? Tisadye huroyi nekunyara!

Share This:

Sponsored Links