Maonero Edu: Hondo yeCovid haisati yapera

26 Nov, 2020 - 12:11 0 Views
Maonero Edu: Hondo yeCovid haisati yapera

Kwayedza

KUBVIRA munaKurume gore rino, pasi rose riri kuchema-chema zvikuru nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Chirwere ichi chakonzera ndufu dzevanhu vakawanda pamwe nematambudziko anosanganisira kudzosera kumashure nyaya dzebudiriro yeupfumi.

Covid-19 iri kunyuka kepiri kune dzimwe nyika uye muZimbabwe huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi mushure mekuvhenekwa huri kukwira zvakare.

Kunyangwe vanhu vari kufa nedenda iri vari kuenda vachiwanda munyika muno anove mamiriro ezvinhu asina kunaka zvachose.

Sangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rinoti vanhu vakawanda vabatwa nechirwere ichi mukati memasvondo mana adarika zvekutopfuura vakabatwa nedenda iri mumwedzi mitanhatu yekutanga patanga Covid-19 pasi rose.

Iyi inyaya inorovesa hana kunzwa kuti mukati memasvondo mana vanhu vakawanda vawanikwa vaine Covid-19 pane vakabatwa nechirwere ichi mukati memwedzi mitanhatu.

Zviri pachena kuti vanhu vakawanda vave kuita chijairira panyaya yekuzvidzivirira kubva kudenda iri.

Munyika muno, Hurumende yakatora matanho akasimba ekurwisa Covid-19.

Matanho aya anosanganisira ekuti vanhu vapfeke mamasiki kana vachienda panzvimbo dzinoungana veruzhinji, kusaita chitsokotsoko pamwe nekukoshesa nyaya dzehutsanana, zvikuru kugeza mawoko nemvura ine sipo.

Hurumende yakadzika mutemo zvakare unorambidza veruzhinji kufamba-famba zvisina tsarukano kubva nenguva dza10 husiku kusvika na6 mangwani.

Asi chokwadi chiripo ndechekuti vanhu vakawanda havasisina hanya nekutevedzera matanho aya.

Vakawanda vari kuonekwa vasina kupfeka mamasiki munzvimbo dzinoungana veruzhinji zvisinei nenjodzi yekuti vanogona kutapurira kana kutapurirwa chirwere ichi.

Vamwe vari kuonekwa vachiita chitsokotsoko zvakare munzvimbo dzakasiyana.

Svondo rapera pamberi, Kwayedza yakaburitsa nyaya yevamwe vagari vekuZaka, kuMasvingo avo vaiti havana basa nekupfeka mamasiki vachiti Covid-19 haiwanikwe kunzvimbo yavo asi kumaguta seHarare. Izvi zvinoratidza kuti pachiri kudiwa dzidziso yakasimba kuti veruzhinji vave neruzivo rwakadzama pamusoro penjodzi yekupararira kwechirwere ichi.

Chirwere cheCovid-19 chave kuita serwiyo rwave nenguva ruchiimbwa asi zvakakosha kuti veruzhinji vatevedzere matanho ose akatarwa ekurwisa denda iri.

Pari zvino munyika muno denda iri rave kutekeshera zvakare muzvikoro zvichireva kuti vadzidzi vari panjodzi yekubatira chirwere ichi.

Hondo yekurwisa Covid-19 ichiriko uye haidi zinyekenyeke asi kuti munhu wose ane basa raanofanirwa kuita mukupedza denda iri.

Zvinorwadza kuona vanhu vachirasikirwa neupenyu nekuda kwezvinhu zvinokwanisa kudzivirirwa.

Covid-19 pari zvino haisati yawanirwa mushonga wekuirapa nekudaro zvakakosha kudzivirira kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey