MAONERO EDU: Kuchembera handi kuroya

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views
MAONERO EDU: Kuchembera  handi kuroya

Kwayedza

SVONDO rapera takaburitsa nyaya inosuwisa zvikuru yeharahwa inonzi yakapondwa nehama dzayo kuMasvingo ichipomerwa kuti muroyi.

Nyaya iyi tinayo zvakare svondo rino uye vazhinji vevakapara mhosva iyi vakatosungwa, mumwe chete ndiye achiri kutiza mutemo.

Harahwa iyi inonzi yakaita mazuva maviri ichirohwa nemazishamhu kana kuti nemhuro izvo zvakaiuraya.

Pane vanhu vanomwe vehukama vakasungwa nemapurisa nekuda kwenyaya iyi vachipomerwa mhosva yekuponda.

Harahwa iyi payairohwa, vamwe vehukama vaitotorana mavhidhiyo vachipara mhosva iyi pasina airandutsira.

Zvinotoshamisa kuti mweya hwai wapinda mune vamwe vanhu kuti vasvike kuita hunhu hwakadai. Chokwadi kuita mazuva maviri vanhu vachirova harahwa, vachitozororera?

Zvino chavakagona chii sezvo vanhu vakazosungwa nekuda kwenyaya iyi, vachisiya mhuri dzavo dzichitambura dzisina anoriritira.

Zvimwe zvinhu zvinoda kudzikamisa pfungwa nekuti munhu unogona kuzvisikira moto muziso. Iyi ndiyo inonzi ndomene uye haichemedze.

Pachivanhu, kana vanhu vakaponda munhu zvinoreva kuti ingozi inenge yatopinda mumusha manyakuponda.

Hazvinei nekuti munhu aenda kumatare edzimhosva akapihwa mutongo wake, ngozi inotoda kuripwa chete.

Vanhu havafanire kufurirana kupara mhosva nekuti mutemo uripo kuranga vose vakadaro. Nguva pfupi yadarika, pane nyaya yakabuda zvakare yemudunhu rimwe chete reMasvingo, yemwanakomana anonzi akadzika baba vake demo achivapomera kuti varoyi.

Gore rapera pamberi, imwe harahwa yekwaSeke yakafa ichiita zvekupiswa nemoto nevehukama apo yaipomerwa nyaya dzehuroyi zvakare.

Kuti munhu achembere, ichi chipo cheupenyu chinobva kunaMwari.

Chishuwo chemunhu wose kuti ararame makore akawanda agoona vana vevazukuru vake kana kuti zvizukurubvi.

Iye akauya nepfungwa yekuti kana munhu akwegura anonzi muroyi ndiani?  Inga mazuva ano kuzere nyaya dzevechidiki vanonzi vari kuenda kunyika dzakadai seMozambique vachinoromba mishonga yekuti vapfume wani? Pfungwa yekuti munhu wose akwegura anonzi muroyi inofanira kubva mune veruzhinji nekuti kurarama inyasha dzaMwari.

Vanhu vakwegura vanofanira kupihwa ruremekedzo rukuru nekuti ndivo vane dura reruzivo rwezvinhu zvakawanda kwete kuvapumha huroyi.

Panyaya yeharahwa yekuMasvingo yakafa ichipondwa nevehukama, zvichida hapana kana mumwe chete ane umboo hwekuti yairoya asi kuti zvinenge zvichibva kunanatsikamutanda nedzimwe n’anga nemaporofita venhema. N’anga nemaporofita venhema vakonzera nyonganiso huru munharaunda dzakasiyana mushure mekunanga vanhu huroyi.

Pasi pemutemo wenyika, imhosva kupumha munhu kuti muroyi uye anenge ananga mumwe huroyi anofanira kupa umboo hwacho.

Zvekunanga munhu huroyi zvinenge zvagara zviri mumusoro mevanozviita. Vanosara voenda kun’anga vachitoziva wavanoda kuti apumhwe huroyi.

Ndokusaka muimbi mushakabvu Oliver “Tuku” Mtukudzi akaimba achiti, “N’anga inoona ndeyareva zvaunoda, yareva zvausingade woti haione.”

Ndiwe unenge wagara unazvo!

Mutemo unofanira kurangawo n’anga nemaporofita vemanyepo vanorunzira ruvengo pakati pehama mushure mekunanga vanhu huroyi.

Upenyu hwemunhu hunofanira kukosheswa kwete kuti vanhu vanotora mutemo vachiisa muhomwe dzavo.

Vose vanobatwa nemhosva dzekukonzera rufu rwemunhu mushure mekumunanga huroyi vanofanirwa kurangwa zvakasimba nemutemo – kusanganisira n’anga nemaporofita vacho.

Haingave nyika yekuti vamwe vanhu vanoita madiro aJojina vachipara mhosva masikati machena.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>