Uncategorized

‘Maparts’ akavandika akashaikwa patsaona

03 Sep, 2021 - 17:09 0 Views
‘Maparts’ akavandika akashaikwa patsaona

Kwayedza

Ray Bande naTanyaradzwa Nyahoda

HAMA dzemumwe wevanhu vakafa patsaona yerori yakaitika nemusi weSvondo wadarika ikauraya vanhu vanomwe paHauna Growth Point, kuHonde Vallye, vari kushushikana nenyaya yekuviga hama yavo isina nhengo dzakavandika.

Hapana ari kupa tsanangudzo inogutsa kuti chii chaizvo chakaitika kunhengo dzesikarudzi dzemurume uyu.
Vanhu vanomwe vakafira panzvimbo pakaitikira tsaona iyi apo mutyairi werori raienda kuHarare kumusika akatadza kufambisa mota zvakanaka pamateru akanyanya pedyo nepaHauna Growth Point.

Pavanhu gumi nevatatu vakakuvara, vashanu vavo vakakuvara zvakanyanya uye vakaendeswa kuchipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital chiri kwaMutare.

Mukuru wemapurisa emumugwangwa kuNyanga, Inspector Loice Tandare, vanotsinhira kuti vanhu vanomwe vakafa mutsaona iyi.

“Mutyairi werori iri akatadza kufambisa mota zvakanaka mumugwagwa kubva paHauna Hauna Growth Point mumugwagwa waSelbourne-Aberfoyle Road. Ongororo yakaitwa nemapurisa inoratidza kuti motokari iyi yaimhanya zvakanyanya,” vanodaro Insp Tandare.

Zvisinei, hama dzaAbel Rutope (26), mumwe wevakafa munjodzi iyi, dziri kurwadziwa mushure mekutadza kuwana tsanangudzo yakakwana yekuti nhengo dzakavandika dzehama yavo dziri kupi.

Hanzvadzi yaRutope, Annia Chingosi wekubhuku raBuwu, uyo anoratidza kushungurudzika zvakanyanya, anoti havasati vatambira zvakaitika kuhama yavo izvi.

Anoti chero vasina wavari kunenedzera kuti ndiye akatora nhengo dzakavandika dzehama yavo, pane zvakawanda zvakavanzika panyanya iyi.
“Rutope ihanzvadzi yangu, patakaenda kuchipatara mushure mekuudzwa kuti akanga ari pakati pevanhu vakafa patsaona iyi, takaratidzwa chitunha chake.

“Vanoshanda pachipatara apa vakavhura chitunha chake kuti tikwanise kuona kuti ndicho chaicho here pamwe chete nekuona kukuvara kwaakanga aita. Vakatiudza kuti havana kunzwisisa kuti sei nhengo dzake dzakavanzika dzakanga dzisiri kuwanikwa.
“Vakatiudza kuti tiende pakaitikira tsaona kuti titsvage nhengo dzake ndokusaka tiri pano.”

“Pari zvino hatina watiri kunenedzera asi hatigoni kuti hapana chakaipa chakaitika. Nhengo dzake dzaigoshaikwa sei kudaro?
“Patakaongorora chitunha chake, tirauzi rake nechipfeko chemukati zvakanga zvakadzikiswa kusvika mumabvi. Izvi zvinorwadza nekuti tichamanikidzira kumuviga asina nhengo dzake dzesikarudzi,” anodaro.
Kwayedza yakabvunzurudza kuchipatara kwaiva nemutumbi uyu pakaonekwa kuti zvechokwadi nhengo dzakavanzika dzemushakabvu uyu pakanga pasina.

“Takatora mitumbi iyi sezvayakanga iri uye tine shuviro yekuti vachawana nhengo dziri kushaikwa pakaitikira tsaona iyi,” anodaro mumwe mushandi wepachipatara cheHauna Hospital uyo atisingakwanise kudura zita rake nekuda kwemutemo webasa.

Memory Mombemombe mumwe wevaive murori yakaita tsaona iyi anoti mutyairi aiimhanyisa zvakadarikidza.
“Mutyairi aimhanya zvakanyanya zvinhu zvese zvakangoitika kwekanguva kadiki-diki. Takazongoona tave pasi pemurwi wemasaga aive nemabanana.

“Zvinoratidza kuti mutyairi akatadza kufambisa mota zvakanaka pakona nekuda kwekumhanya zvakanyanya kwaaiita. Takachema zvekutsvaga rubatsiro zvakazoita kuti vaipfuura nevemubhuku riri pedyo vatinzwe zvakaita kuti vazotibatsira,” anodaro Mombemombe.

Vakafa patsaona iyi vakazivikanwa saGracious Masuka (49), Judah Katamabarare (32), Tendai Moses Mangemba (48), Tsitsi Makwiyana (14), Abel Rutope (24), Ethel Jenjani (41) naSarah Njumira (44).

Share This:

Sponsored Links