Kwayedza
Abel Ndooka
MURAIRIDZI weFC Platinum – Norman Mapeza – nhasi agadzwa zvekare kuti arairidze zvekare chikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors.
Mapeza akapedzisira kurairidza maWarriors mugore ra2022 apo akatungamirira chikwata chenyika ichi kuenda kumitambo yeAfrica Cup of Nations yakatambirwa kunyika yeCameroon mugore ra2022 uye ndiye akabva aita murairidzi wekupedzisira kurairidza nyika panguva iyo yakabva yatemerwa zvirango neFIFA zvose neCAF.
Mapeza adzoka kuzotsiva chizvarwa chekuPortugal – Balterma Brito – uyo akamborairidza maWarriors pakupera kwegore radarika asi akazosiya basa pakapera kondirakiti yake.
Chamangwiza weZIFA – Yvonne Mapika Manwa – azivisa nezvekugazwa kwaMapeza kunyange hake asina kuda kutaura zvakawanda.
“Tinozivisa kuti Mapeza adzoka, ndiye ave murairidzi mutsva wemaWarriors.
“Ndizvo zvandinokwanisa kutaura pari zvino, kana muchida kuziva zvakawanda nditumirei email ndokuudzai zvizere,” adaro Manwa.