Mapeza amisa kutambisa Musona

09 Nov, 2023 - 19:11 0 Views
Mapeza amisa kutambisa Musona Norman Mapeza (kurudyi) achitaura naWalter Musona

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weFC Platinum – Norman Mapeza – anoti vatambi venhabvu vanofanirwa kuremekedza varairidzi nevamwe vavanotamba navo kana vachida kusvika kure nemutambo uyu.

Mumasvondo adarika, pane marehwa-rehwa ange achingotenderera ekuti Mapeza kana kuti Muchina wemajuzi, sezita rake remadunhurirwa, haasi kuonana nemutambi wechikwata chake Walter Musona nekuda kwenyaya dzisina kunyatsojeka kuti ndedzei.

Nekuda kwekusanzwisisana uku, zvinonzi zvaona Musona achimbosiiwa muchikwata cheFC Platinum mumitambo yange ichitambwa izvo zviri kukatyamadza vatsigiri venhabvu.

Vatsigiri vechikwata ichi vari kushamisika kuti sei Mapeza ari kusiya mutambi wake wepamusoro apo FC Platinum yave pedyo kutorerwa mukombe wePremier Soccer League.

Muhurukuro neKwayedza, Mapeza paakabvunzwa nezvenyaya iyi, anoti haakwanise kuramba achitaura nezvayo sezvo akamboitaura kare.

Asi anoti vatambi venhabvu vanofanirwa kuremekedza varairidzi vavo nevamwe vavanotamba navo.

“Panyaya iyi, hapana zvimwe zvitsva zviripo sezvo takamboitaura kare. Asi chinhu chikuru chiripo ndechekuti mutambi wenhabvu anofanirwa kuremekedza murairidzi wake nevamwe vaanotamba navo muchikwata chimwe chete kuti abudirire mumutambo uyu. Pasina izvozvo hakuna kwaanoenda nenhabvu.

“Kuzvibata nekuve munhu anoremekedza vakuru kwakakosha zvikuru munhabvu uye ndizvo zvinoita kuti usvike kure mumutambo uyu, pasina izvozvo unenge uchizvinyepera,” anodaro.

Mapeza paakabvunzwa kuti Musona anotarisirwa rinhi kudzoka muchikwata cheFC Platinum, akati haasati ave kuziva asi nyaya yake ichange ichiongororwa nekufamba kwenguva.

“Mumutambo watakapedzisira kutamba neChicken Inn ange asimo muchikwata saka nyaya yake tichiri kumboiongorora uye hatisati taziva kuti anodzoka rinhi muchikwata chedu,” anodaro.

Musona paakabvunzwawo nezvenyaya iyi, akangoti haasati ave kukwanisa kutaura nezvayo.

“Nguva haisati yakwana yekutaura nezvenyaya iyi, kana nguva yakwana ndichazotaurawo divi rangu kuti zvakafamba sei.

“Panguva ino chakakosha kuhwina mitambo yedu nekuedza kurwira mukombe wedu wePSL tiuchengetedze,” anodaro Musona.

Zvakadaro, Mapeza anoti sechikwata, havasi kuzoneta kurwira mukombe wavo wePSL kusvika pazuva rekupedzisira.

“Isu tiri kutamba mitambo sekuuya kwainenge ichiita, zvimwe zvose tozoona pazuva rekupedzisira pachapera mitambo yePSL toona kuti tapedza tiri papi.

“Hakuna anoziva kuti zvimwe zvikwata zvatiri kurwisana nazvo murwendo rwekurwira mukombe wePSL zvichatamba sei saka isu tiri kungokoshesa mitambo yedu chete,” anodaro Mapeza.

Svondo rino, Pure Platinum Play iri kuenda kuBaobab Stadium uko ichanosangana nechikwata cheMiracle Boys cheYadah FC nemusi weSvondo.

Share This:

Sponsored Links