Uncategorized

Mapfupa awanikwa mu’toilet’ yaMakore

01 Dec, 2020 - 07:12 0 Views
Mapfupa awanikwa mu’toilet’ yaMakore Tapiwa Makore (SNR)

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA svondo rapera akaenda kumba kwaTapiwa Makore (Snr), uyo ari kupomerwa kuponda mwana wemun’ina wake kwaMurehwa, ndokunochera chimbuzi chiri pamusha pake umo makawanikwa mapfupa nemadehenya zvisati zvave kuzivikanzwa kuti ndezvei.

 

Mumba memusungwa uyu munonzi zvakare makawanikwa muine zimuswe raive neropa iro anofungidzirwa kuti anoshandisa munyaya dzezve chivanhu.

 

Tapiwa Makore (Snr) ari kupomerwa kuponda Tapiwa Makore (Jnr) (8) achibatsirana nemufudzi wake wemombe, Tafamba Shamba, uyo akatosungwa zvakare nekuda kwenyaya iyi.

Kune vamwe zvakare vakasungwa.

Tapiwa Makore jnr

 

Mutumbi waTapiwa (Jnr) wakanhongwa ikoko kwaMurehwa kwangodarika zuva rimwe chete mwana uyu ashaikwa asi wainge wakabviswa musoro, maoko nemakumbo ose.

 

Pane mashoko anoti zvakare imba yekubikira yaTapiwa Makore (Snr) yakatsva nemoto svondo rapera.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya yekuwanikwa kwemapfupa nemadehenya muchimbuzi chaTapiwa Makore (Snr) uye nezvimwe zvinhu pamusha pake.

 

“Mapurisa edu eZimbabwe Republic Police (ZRP), vachifambira mberi nekuferefeta nyaya yekupondwa kwaTapiwa Makore (Jnr), vakanochera chimbuzi chepamba paTapiwa Makore (Snr) nemusi wa28 Mbudzi ndokuwana mabhonzo akawanda nemadehenya madiki izvo zvakatoendeswa kunyanzvi kunoongororwa kuti kuonekwe kuti mapfupa aya ndeei.

 

“Muimba yekurara yaTapiwa Makore (Snr) makawanikwawo zimuswe raanonzi anoshandisa kuita zvemashavi iro raiva rizere neropa. Zvose izvi zvakatakurwa nemapurisa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Asst Comm Nyathi

 

Zvisinei, Asst Comm Nyathi vanoti nyaya yekuti imba yaTapiwa Makore (Snr) yakatsva haisati yasvika kumahofisi avo.

“Nyaya yekuti imba yakazotsva handina ruzivo nayo, ticharamba tichitsvaga tigowana chaizvo zvakazosara zvichiitika,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mumazuva ekutanga kusungwa kwaMakore (Snr) naShamba, mapurisa akacherazve chimwe chimbuzi chepakireshi iri mumusha ikoko kwaMurehwa vakawana makumbo emunhu ainge akaiswa muchisaga.

 

Svondo rapera pamberi, mapurisa akaenda zvakare kumba kwaThanks Makore – uyo anova mumwe musungwa, kuDamofalls, kuRuwa uko vakanochera pachivanze chake asi hapana chakawanikwa.

 

Kunze kwaTapiwa Makore (Snr) naShamba, kune vamwe vanhu vane chitsama – kusanganisira vemhuri yekwaMakore – avo vakasungwa nekuda kwenyaya yekupondwa kwemwana uyu.

 

Zvichakadai, mutauriri wemhuri yekwaMakore, Ambuya Beaulla Musupai (49), vanoti svondo rapera vakazongoona imba yekubikira yaTapiwa Makore (Snr) yakatsva nemoto usina kuzivikanwa kwawakabva.

 

“Takangofuma tichiona imba yekubikira yaTapiwa Makore (Snr) yakatsva zvekuparara. Hatizive kuti yakatsva neiwo, zvinorakidza kuti midziyo yaivamo yose yakaparara sezvo pamba apa pasiri kugara vanhu,” vanodaro Mbuya Musupai.

Share This:

Sponsored Links