MaPlatinum obandana

02 Dec, 2021 - 10:12 0 Views
MaPlatinum obandana Petros Mhari

Kwayedza

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa nemusi weSvondo kunhandare yeMandava Stadium, kuZvishavane uko FC Platinum neNgezi Platinum Stars zvichabandana mumutambo weChibuku Super Cup final.

Rwendo rwekusvika pafainari iyi rwange ruri rurefu sezvo pakatanga mutambo uyu munaChivabvu, wakambomiswa mitambo iri pakati pekutambwa munaChikumi senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Mutambo uyu mukuru sezvo uchiuya netikiti rekuzokwikwidza mumitambo yemuAfrica yaCAF Confederations Cup.

Zvikwata zviviri izvi zvose zvakambohwina mukombe weChibuku Super Cup final kare saka zvichange zvichirwira kuti zvigousimudza kechipiri.

FC Platinum yakahwina mukombe uyu muna2014 apo yakakunda Harare City mufainari 3-1 kumapena mushure mekunge mutambo uyu wapera uri mangange 1-1.

Kuchiti mugore ra2016, Ngezi yakazvambaradza FC Platinum 3-1 ndokuhwina mukombe uyu mumutambo wakatambirwa kuBaobab Stadium.

Zvikwata zviviri izvi zvaive muboka rimwe chete reGroup 4 umo maive nezvimwe zvinoti Triangle United neWhawha FC.
Mubati wepagedhi weFC Platinum arizve kaputeni, Petros Mhari, anoti zvinofadza zvikuru kutamba mumutambo mukuru wefainari.

Mhari, uyo aive muchikwata cheFC Platinum chakahwina mukombe uyu mugore ra2014 necha2016 icho chakazvamburwa neNgezi, anoti mitambo yefainari haisi nyore sezvo zvikwata zvese zvinenge zvichida kuhwina.

“Mitambo yefainari yose yakaoma zvikuru nekuti zvikwata zvinopindamo zvinenge zvabva kure uye zvese zvinoda kuhwina.
“Asi isu sechikwata kusvika patave kurakidza kuti takabva kure naizvozvo zvinofadza zvikuru uye tichashanda nesimba kuti tigohwina mutambo uyu uyo tinoziva kuti unenge wakaoma.

“Hatifanire kutarisira pasi Ngezi nekuti chikwata chikuru chatinoziva chinogona uye takambosangana nacho kare mufainari chikambotikunda. Saka mutambo uyu uchange wakaomarara zvikuru. Chikuru isu sechikwata chatiri kutarisira kuhwina mutambo wemusi weSvondo, zvimwe zvese tinozotarisa zvichazotevera,” anodaro Mhari.

Kuchitiwo nekune rimwe divi, murairidzi weMadamburo – sezita remadunhurirwa reNgezi Platinum Stars – Rodwell Dhlakama, ari kunyunyuta zvikuru nekufamba kwakanyanya kwakaita chikwata chake apo chakatarisana nemutambo.

Chikwata ichi chakaenda kuBulawayo chichida kunosangana neHighlanders mumutambo usina kuzoenderera mberi nekuda kwevaridzi vepembe vakamboramwa basa, ndokuzouya kuHarare kuzotamba semi-final yemutambo uyu neHighlanders uyo chakahwina.

Vachipedza, vakabva vadzokera kuBulawayo zvakare kumutambo wePremier Soccer League neHighlanders uyo wakapera uri mangange 0-0.
Dhlakama anoti mutambo wavo wekupedzisira wakaona vatambi vazhinji vakaita saWellington Taderera, Keith Murera, Ariel Makopa naNelson Chadya vachikuvara izvo zviri kudzosera gadziriro dzavo kumashure.

“Rwendo rwedu kusvika pamutambo uyu rwange ruri rurefu kunyangwe zvazvo tiri kugadzirira hedu. Asi, gadziriro dzedu dzakadzorerwa kumashure nekuda kwekukuvara kwakaita vatambi vedu vazhinji. Tiri kuvatarisa kusvika musi weSvondo kuti vanenge vave papi sezvo vakatikoshera.

“Asi hatitye hedu kupinda mumutambo uyu nekuti nhandare yacho tave kuiziva sezvo tatambira mitambo yedu mizhinji ikoko saka tichanorwa semvumba.

“Mutambo uyu uchange wakakosha nekuti unenge uine vatsigiri sezvo pataitamba mitambo yemuboka redu vatsigiri vange vasingatenderwi kupinda munhandare nekuda kwemitemo ine chekuita nekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19,” anodaro Dhlakama.

Chikwata chichahwina mukombe uyu gore rino chinopihwa mari inosvika US$75 000 uye chinenge chakundwa chichiwana US$50 000.

Share This:

Sponsored Links