Uncategorized

Maporofita 8 akany’ura mumvura vachibhabhatidzana

01 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
Maporofita 8 akany’ura mumvura vachibhabhatidzana

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPOROFITA masere echechi yeJohane Masowe yeChishanu yeNguwo Tsvuku akany’ura murwizi rwaMazowe kudunhu raMambo Makuni kuRushinga, kuMashonaland Central vachibhabhatidzana.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kuMashonaland Central, Assistant Inspector Naison Dhliwayo, vanoti tsaona iyi yakaitika nemusi wa30 Gumiguru nenguva dza2 masikati pagungano rechechi yePass Over rinova rekupera kwegore.

“Maporofita ava vaikwana makumi matatu vakaenda kurwizi rwaMazowe vachida kunobhabhatidzana ndokusvikotanga kuimba ipapo vachibva vabatwa nemweya ndokutanga kurira nendimi. Vose vakabva vaita chipitipiti kutsvetukira mumvura, vasere vavo vachibva vany’ura,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Vakany’ura mumvura ava ndiNixon Singano (29) wekwaSabhuku Mhembere kwaMambo Makuni, Peter Marera (31) wekwaSabhuku Muzika, Tendai Marera (28) wekwaSabhuku Kamugogode, Alexio Makombe (36)  wekwaSabhuku Karasa naTichawanda Katiyo (32) wekwaMverechena kuDomboshava.

Vamwe vakany’ura zvakare mumvura umu ndiIsaac Tokora (21) wekwaSabhuku Chivava kwaMakuni, Lancelot Tokora (24) wekwaSabhuku Chivava naChriswell Kunyengerera (33) wekwaSabhuku Kamanikwa.

Sowe rinonamatirwa nevatendi ava rinonzi Jeandai inova nzvimbo yanogara vachiungana makore ose.

Asst Insp Dhliwayo vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekupinda mumadziva, mumadhamu kana nzvimbo dzine mvura yakawanda vasina hunyanzvi hwekushambira.

“Iyambiro yedu huru semapurisa kuti vanhu vasapinde mumvura umo vanokwanisa kuny’ura, kubatwa nezvikara zvakaita semakarwe kana kurumwa nenyoka. Kunze kwemaporofita masere akany’ura aya, kubva neSvondo kusvika neMuvhuro vhiki rino, tine vamwe vanhu vatanhatu vakany’ura mumvura kunzvimbo dzakasiyana mudunhu reMashonaland Central,” vanodaro Asst Insp Dhliwayo.

Share This:

Sponsored Links