Uncategorized

Maporofita nen’anga vanotiwo . . .

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAPOROFITA nen’anga vanoti vari kutevedza zvizere kurudziro yeHurumende nemasangano anoona nezveutano yekuti vasaunganidze vanhu vakawanda pamasowe nemunzvimbo dzavanoshandira vari senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Madzibaba Gamba VaMartin Madzura (36) vekuBudiriro 2, muHarare, vanoti havasi kubvumidza vanhu kuungana pamasowe pavo.

“Ibasa redu tose kurwisana neCovid-19 sekurudziro iri kupihwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa. Pasowe pangu handisi kubvumira vanhu vanodarika 40 vari kuuya kuzobatsirwa,” vanodaro Madzibaba Gamba.

Vanoenderera mberi vachiti, “Ndakawirirana nevamwe vangu kuti hatifanirwe kudarika murairo webazi rezveutano uyewo nekurudziro yemutungamiri wenyika. Kune vane zvirwere zvatisinganzwisise, tiri kubva tangovati vaende kumakiriniki.

“Pasika iyo tagara tichiitira kwaGandanzara, kwaRusape, takatoimisa,” vanodaro Madzibaba Gamba.

Kuchiti Mbuya Alice Masoko Kwenda vemuHarare vanotiwo: “Ndiri n’anga uye pamba pangu panouya vanhu. Vose vanouya vanogeza mawoko avo kugedhi pakupinda nepakubuda.”

Vanoti nekuda kweCovid-19, veruzhinji vanotofanirwa kukoshesa utsanana. Madzibaba Bornia Mutsakanyi, vanova mudare pasowe raMadzibaba Stalin kuGlen Norah C, muguta reHarare, vanoti vave kubatsira vanhu vasingadarike makumi mashanu panguva yoga-yoga.

“Zvose zviri kutaurwa neHurumende tiri kutevedza kubvira kuutsanana nekudzikisa huwandu hwedu pamasowe.”

Share This:

Sponsored Links