Uncategorized

Mapostori akaba chitunha

10 Sep, 2020 - 11:09 0 Views
Mapostori akaba chitunha Ins Kakova

Kwayedza

Tendai Gukutikwa naLovemore Kadzura

VARUME vatatu vemhuri imwechete vekwaMutambara, kuChimanimani, vanonzi vakabatsirana kuponda babamukuru wavo, ndokuzoba mutumbi wacho kumochari vachibva vanoutsveta kumba kwemushakabvu.

Muimwewo nyaya yakada kufanana neiyi, varume vashanu vekwaRusape vanonziwo vakaponda chembere yaive nemakore 94 okuberekwa vachiitema nematombo mushure mekunge vanetsana apo vazukuru vemushakabvu uyu vanonzi vakange vaba huchi hwevasungwa ava mumukoko wenyuchi.

Mapurisa anotsinhira nyaya mbiri idzi vachiti vari kutsvaga nemeso matsvuku varume vatatu vemhuri yekwaMunjoma, kwaMutambara, vanoti Nehumani, Dhabi naHazel Munjoma nemhosva yekuponda.

Nerimwewo divi, chikwata chevarume vekwaRusape icho chinonzi chakaponda chembere chakatomiswa mudare chichitarisana nemhosva yekuponda.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Tavhiringwa Kakohwa, vanoti varume vemhuri yekwaMunjoma vanove mukomana nevanin’ina vake vanopinda chechi yeJohanne Marange Apostolic Church.

Vanonzi vakaponda babamukuru wavo, Tella Munjoma, nemusi weMuvhuro wadarika kubhuku raMaunzani, kwaMambo Mutambara.

Vatatu ava vanonzi vasati vapara mhosva iyi, vaitaura kuti vakange vanzwa chiporofita chaipomera mushakabvu uyu kuti ndiye anokonzera matambudziko mumhuri yavo.

Vanonzi vakarova mufi uyu nesimbi muviri wake wose kusvikira afenda.

Apo vakaona kuti vakange vakuvadza munhu, vanonzi vakabva vamhanya nababamukuru vavo kuchipatara cheMutambara Mission Hospital.

“VaMunjoma vakasvika kuchipatara asi ndokuonekwa kuti vakange vatofa kare. Mushure mekuziva kuti vakange vauraya babamukuru vavo, vatatu ava vanonzi vakabva vaba chitunha ichi apo vashandi vemuchipatara vaigadzirira kuchiendesa kumochari.

“Vakabva vabuda nechitunha ichi muchipatara kavere-vere ndokunochiisa mumotokari yaive pamba pemushakabvu apo chakazoonekwa nemun’ina wemufi, Shiba Munjoma, kwapera chinguva. Vatatu ava vakanyangarika uye vari kutsvagwa nemapurisa.

“Nyaya iyi yakamhan’arwa pakamba yemapurisa yeCashel Police Station uye mutumbi uyu ndokudzoserwa kuchipatara cheMutambara Mission Hospital kuti unoongororwa nemachiremba,” vanodaro Insp Kakohwa.

Zvichakadai, varume vashanu vekwaRusape vari kupomerwa kuponda chembere yaive nemakore 94 okuberekwa vachiirova nemvuu ndokuzoitaka nemabwe.

Brian Makamba, Emmerson Nyamagodo, Edmore Murinda, Gibson Murinda naEphraim Tundumarano vakatomiswa mudare vachipomerwa kuponda Mbuya Tayisekwa Zimbudzi vaigara kuVillage 13, Chinyika West, kuHeadlands.

Mbuya Zimbudzi vanonzi vaive n’anga.

Vasungwa vashanu ava vakamiswa pamberi pemutongi wedare reRusape Magistrate, VaGift Manyika.

Vakanyimwa bhera ndokunzi vadzoke kudare munguva pfupi iri kutevera.

Muchuchisi aive VaMarlon Makamba uye vasungwa vashanu ava vose vaimirirwa naVaLeonard Chigadza vekambani yemagweta Chigadza of Chigadza and Associates.

Muchuchisi Makamba anoudza dare kuti vashanu ava vaive vavakidzani vaMbuya Zimbudzi.

Zvinonzi vakanetsana mushure mekunge vazukuru vemushakabvu vaba huchi hwevasungwa hwaive mumukoko wenyuchi.

“Vashanu ava vanonzi vakasunga vazukuru vaMbuya Zimbudzi vanoti Munashe, Takunda naGuidance Muchakwaya vachivapomera mhosva yekuba huchi hwaive mumukoko waBrian Makamba. Vazukuru vaMbuya Zimbudzi mushure mekusungwa vakazochengetedzwa pamba paMakamba,” anodaro muchuchisi.

Izvi zvinonzi hazvina kufadza mushakabvu zvakaita kuti atorane nemumwe muzukuru wake, Tongai Mashamba, ndokuenda kumba kwaBrian Makamba kunonunura vana ava.

Apo vaikurukura pamusoro penyaya iyi, Tundumarano anonzi akabva arova Mbuya Zimbudzi nesimbi kumusana.

“Mbuya Zimbudzi vanonzi vakadzokera kumba kwavo asi vasungwa ava vakavatevera vachivatema nematombo. Pabongozozo iri, chembere iyi yakabva yatemwa padundundu nedombo.

“Vakaenda kukiriniki yeHeadlands ndokubva vapfuudzwa kuMarondera Provincial Hospital. Zvisinei, vakabva vafa vari munzira kuenda kuchipatara. Ongororo yakaitwa pamutumbi wemushakabvu inoratidza kuti akafa nekuda kwekurohwa,” anodaro muchuchisi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>