Uncategorized

Mapurisa aba doro

27 Sep, 2021 - 11:09 0 Views
Mapurisa aba doro Dare

Kwayedza

Hazel Marimbiza

MAPURISA maviri akasungwa mushure mekuba doro rine huwandu hwe330 millilitres rinokosha US$1,50 pane chimwe chitoro kuFort Rixon, kuInsiza kudunhu reMatabeleland South.

Izvi zvakabuda apo Tawanda Chanyau (33) naReagan Sibanda (31), avo vanogara paZRP Fort Rixon Police Station, vakamiswa pamberi pemutongi Rachel Mukanga nemhosva yekuba.
Mapurisa maviri aya anobvuma mhosva yekuba doro ndokukumbira ruregerero vachiti vanotya kuti chiitiko ichi chinogona kuita kuti varasikirwe nemabasa.

Mutongi Mukanga akavapa yambiro achibva avaregerera.
Zvinonzi nemusi wa11 Kubvumbi, 2021 nenguva dza3:30 masikati, Reagan naChanyau vakanga vari panzvimbo yePioneer Block Section Business Centre kuFort Rixon vachinwa doro apo vakapinda muCover Supermarket vachinyebera kunge vari kuda kutenga.

Vakabva vatora nguva refu vari pafiriji izvo zvakakonzera kuti vashandi vanotengesa muchitoro umu pamwe nevaridzi vave nefungidziro vachibva varamba vachicherechedza mafambiro evaviri ava.

Chanyau akatora bhodhoro rimwe chete redoro remhando yeHunters Gold rine huremu hwe300 millilitres achibva ariviga nechepamupimbiri musokisi kwava kuvhara nemutirauzi wake wejini.

Akabva aenda pamutengesi wepatiru apo akanoburitsa mabhodhoro maviri edoro reBlack Label achinyebera kunge ari kuda kutenga.
Vaviri ava vakazonyebera kunge vasiri kunzwisisana vachibva vatanga kutukuna vachisandudzirana.
Reagan akasaidzira Chanyau kunze kwechitoro achiitira kuti akwanise kubuda nedoro riya raainge aba akaviga mumasokisi.
Akabva asiya mabhodhoro maviri edoro reBlack Label iro raive panzvimbo yekubhadharira achitevera Chanyau.

Murindi wepachitoro ichi akaudza mutengesi uyu kuti ane fungidziro yekuti vaviri ava vane chavainge vaba, vachibva vaudzawo mukuru wepachitoro, Melody Sibanda.

Melody pamwe nemutengesi wemuchitoro umu vakatevera Chanyau ndokuvawanikidza vachinwa doro reHunters Gold ravainge vaba vakatomira kuseri kwechitoro.

Vaviri ava vakanzi vaburitse marisiti anoratidza kuti vainge vatenga doro iri vakakundikana ndokunzi varibhadhare asi vakaramba zvakare.
Melody akabva anomhan’ara nyaya yehumbavha uhwu kumapurisa izvo zvakaita kuti vaviri ava vasungwe vachibva vanomiswa mudare.

Share This:

Sponsored Links