Uncategorized

Mapurisa pfacha achisakurira munda wembanje

16 Feb, 2022 - 09:02 0 Views
Mapurisa pfacha achisakurira munda wembanje

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wepapurazi rePeak kuShurugwi, kudunhu reMidlands akasungwa nemhosva yekurima mbanje mubindu rake.
Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Pasca Mathe (41) akasungwa nemusi wa8 Kukadzi apo akasvikirwa nemapurisa achisakurira munda wembanje mushure mekunge vanyeverwa neveruzhinji.

Madzinde anokwana 104 akareba mamita 3,5 akazodzurwa nemapurisa vakaenda nawo kukamba yavo yekuShurugwi uko akachengetwa seumboo kumatare.

Kurima mbanje imhosva munyika muno pasi pemutemo weSection 156 (1) (b) weCriminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9.3.

“Wese munhu anowanikwa achirima mbanje pasina matsamba anomutendera kuita izvi anosungwa achiendeswa kumatare edzimhosva,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti vanhu vose vanosungirwa kutevedza mitemo yenyika.

“Vanhu vangwarirewo nekuda kwenjodzi dzine chekuita nekutora zvinodhaka izvo zvinokanganisa utano hwavo zvakare,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links