Mapurisa vawana marangwanda nedeheny’a remunhu

28 Jun, 2022 - 14:06 0 Views
Mapurisa vawana marangwanda nedeheny’a remunhu Livingstone Sunhwa

Kwayedza

Abel Zhakata

MUDZIMAI aitsvaga huni kwaMutasa kuManicaland anonzi akaona shangu musango izvo zvakabatsira matikitivha kuti akwanise kuwana marangwanda ari kufungidzirwa kuti ndeemwana wechikoro akashaikwa, Livingstone Sunhwa (18), uyo aidzidza paSt Mathias Tsonzo High.

Mwana uyu akatsakatika munaZvita gore rakapera.

Inspector Nobert Muzondo, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, vanotsinhira kuti pane marangwanda akawanikwa pedyo nerwizi rwaMashorani, chinhambwe chekilometre kubva pachikoro ichi.

“Takamirira kuti ongororo yenyanzvi dzemaDNA tests iri kuitwa ibude tizoziva kuti mapfupa ayo akawanikwa pedyo nerwizi rwaMushorani ndeaLivingstone Sunhwa here apo tichagona kutaura zvizere nekuda kwenyaya iyi. Chatinogona kutaura pari zvino ndechekuti kuferefetwa kwenyaya iyi kuri kufambira mberi,” vanodaro Insp Muzondo.

Zvichakadai, matikitivha anonzi akaenda pachikoro ichi nemusi wa23 Chikumi vakanotaura nevakuru vepo nevagari vemunzvimbo iyi nekuda kwekushaikwa kwemwana uyu.

Insp Nobert Muzondo

Vamwe vevanhu vakataurwa navo ndiMai Linety Chapungu (28) vemubhuku raSamushonga vanova vakaona shangu nhema pedyo nerwizi apo vaitsvaga huni munaZvita gore rakapera.

Mai Chapungu vanonzi vakaona shangu nhema dzesaizi 6 uye dzisina tambo, paine jira reblue netambo yebhutsu zvakasungirirwa pamuti chinhambwe chemamita makumi maviri kubva paiva neshangu idzi.

Imwewo tambo yeshangu inonzi yakazoonekwa pedyo nenzvimbo iyi ndokuwanikwawo mapfupa nedeheny’a pasi pemuti zvinofungidzirwa kuti ndezvemunhu zvakamwararidzwa chinhambwe chemamita mana kubva pamuti waiva wakasungirirwa jira.

Shangu nebhandi zvakawanikwa panzvimbo iyi zvinonzi zvakazivikanwa nemumwe mwana ari kuita Form 5 pachikoro ichi uyo aidzidza mukirasi imwe chete naLivingstone.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>