Uncategorized

‘Marara pose pose kwete’

07 Aug, 2014 - 16:08 0 Views
‘Marara pose pose kwete’ VASTEADY KANGATA

Kwayedza

VASTEADY KANGATA

VASTEADY KANGATA

Nyasha Mutena
VERUZHINJI pamwe nevemakambani vanokurudzira kuti vasasvibise nharaunda dzavo kuburikidza nekungorasa marara pose pose nechinangwa chekudzivirira kunyuka kwezvirwere pamwe nekuchengetedza nharaunda dzakachena. Kurudziro iyi yakabva kuna VaSteady Kangata, avo vanova mukushi wemashoko kusangano reEnvironmental Management Agency (EMA) pamusangano wavakaita nguva pfupi yadarika nemapoka akasiyana muHarare.

VaKangata vakati kuchengetedzwa kwenharaunda kunoda muonera pamwe apo veruzhinji vanobatsirana nevemakambani.
“Ngatibatanei tose makambani pamwe nesu veruzhinji, dambudziko rehutsvina mumigwagwa rinopera. Kungoziva kuti ibasa rangu kuona kuti nzvimbo yandinogara uye nzira yandinofamba yakachena tinotoona kuti hutsanana kunochengetedzwa,” vakadaro VaKangata.

Vakati imwe nyaya inokonzera huwandu hwemarara itsika yekutenga zvinhu zvichiiswa mumapepabhegi ezvikweshe ayo anogona kuzongoraswa pose-pose.

VaKangata vakaenderera vachiti marara ose anogona kuvandudzwa ogadziriswa zvakasiyana-siyana zvakadai semabhodhoro epurasitiki anoswa zvinhu zvakaita sezvinwiwa pamwe nematishu nokudaro anofanira kuchengetedzwa panzvimbo dzakafanira pane kungoraswa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>