‘Mari inobva muvhu’

31 Dec, 2023 - 11:12 0 Views
‘Mari inobva muvhu’ VaNigel Mawire vachitaridza mavise nemabutternut avanorima - Mifananidzo naTinashe Chitwanga

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUGARI wekuRiverside, kwaSeke padyo neUnit O, kuChitungwiza, uyo anorima mhando dzakasiyana dzembesa vachishandisa madiridziro, anoti hakuna chinobhadhara kudarika kushandisa ivhu zvizere.

VaNigel Mawire (33) nevabereki vavo vanorima munda wavo wakakura mahekita maviri mumugwagwa unobva muChitungwiza uchienda kuMarondera nekuHwedza.

Murimi wechidiki uyu anotenda vabereki vake nekumupa chipo chisingaperi chekugona kurima izvo zvasimudzira hugaro hwemhuri yavo yose.

Pari zvino vakarima mavise nemabutternuts nezvimwewo zvirimwa zvidiki uyewo vanochengeta hove vachitengesa.

“Ini ndine kubasa kwandaishanda ndichityaira magonyeti ndokutaurirwa nababa vangu, VaStanley Mawire (58), kuti zvose zvandaiita kwaiva kutamba nenguva vakanditi ndidzoke ndizorima navo semhuri. Ndakasvikotevedza tsoka dzavo kusvika pari zvino tava kungodya mari yezvirimwa kwete kumirira yekutambira,” anodaro murimi wechidiki uyu.

Mavise avakarima anoibva munguva pfupi uye vanotengesera pamba pavo.

“Tine mabutternuts zvekare ayo tinotengesera pano,” vanodaro VaMawire.

VaNigel Mawire vachitaridza mavise nemabutternut avanorima – Mifananidzo naTinashe Chitwanga

Vanoti mukurima kwavo, vanopangwa mazano nevarimisi vemunharaunda yavo.

“Pazvirimwa zvose, mavise anotipa mari iri pamusoro uye tinotengesera pano pamusha. Hapana chinoshaikwa kusanganisira mbatatisi, madomasi, muriwo, derere nezvimwe. Munhu akauya pano anofanirwa kubva aine zvose zvaanoda.”

Pamusoro pazvo, murimi uyu anoti vane madhamu madiki matatu avanopfuya hove idzo dzinovapawo mari nekudzitengesa.

“Hove dzedu dzinokura kuenzana nechanza chemunhu mukuru idzo tinokohwa zvichifambirana nevanodzida. Mvura yatinoisa mumadhamu aya inobva muchibhorani chedu chimwe chete icho chatinodiridzisawo,” vanodaro.

Kunze kwekurima mbesa dzakasiyana nekupfuya hove, vane michero pamusha pavo.

“Tine hurongwa hwekupfuya nyuchi zvekare sezvo dzichifambirana nezvirimwa zvedu uyewo nemvura inogara iri mumadhamu. Tinodzidzisawo vamwe varimi pane zvavanoda pachena,” vanodaro.

Vanokurudzira vechidiki kuti vasiyane nekutora zvinodhaka vopedzera shungu mukushandisa ivhu kuitira kuti vawane raramo inoendeka.

“Izvozvi tinotova nemurimi akabva kuMhangura ari kudziidza kurima pano. Kune vanoda zvavo kushanda nesu mune zvose, ngavatibate panhare dzinoti 0773 379 097, 0713 305 112, 0772 313 405, kana 0712 714 638,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links