Uncategorized

Mariro ezvemamiriro emari munyika

12 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa

MASHOKO, mashoko, mashoko. Mashoko anonaya kunge chimvuramabwe. Mashoko anoramba achihukura kunge imbwa dziri kuona zvinhu zvisingaonekwe nevanhu husiku.

Mashoko, mashoko, mashoko. Mashoko aye atanga zvakare kumhanya semakonzo muZimbabwe. “Kuri sei kuHarare? Isu kuno maShops akwidza mitengo kusvika kumakore chaiko!”

Hurukuro dzedu dzinongotenderera sechamupupuri dzichisimudza mavhu nemarara. Asi haasi ese mapiritsi ekungoshamira nekuti mamwe ndeemusoro, mamwe ndeekuronga mhuri nezvimwewo.

Tiri kugashira mashoko asi tarisai muone kuzara kwataita nemashoko anopishanisa pfungwa achidzinga rugare rwese. Variko vari kukusha mashoko emariro ezvemamiriro emari munyika. Variko vari kuongorora kukwira kwezvinhu, vachizvibatsira kuti zvinyatsokwira kuenda mudenga-denga mupfungwa dzedu.

Ari kukungurutswa mashoko, kana ukasasuduruka unotsitsirirwa nawo ukafa. Ari kuburutswa achiita zvekusaidzirwa, mamwe mashoko makobvu, akasviba uye anonhuhwa segararwa remunhu anoputa bute.

Ari kumhanya mashoko anopinda nekubuda kunge masvosve emhamhatsi. Mashoko anoti mwarara kunge nhoko dzembudzi.

Ichokwadi nyaya yemari nekukwira kwemitengo yezvinhu iri kutonga, asi handidi kuti inditonge zvekusvika pakundibvarura tariro nekundisecha rugare. Ini munguva dzakadai ndiri kuda kuteerera Mwari, kwete vanhu.

Handisi kuda kuteerera nevasina chavanobatsira nyika nacho kunze kwekuwedzera volume yeRadio Kutambudzika ini ndichida kurara. Munguva dzino dzatiri, kusarudza vekuteerera kwakakosha nekuti pane vamwe vatinoteerera vasina pfungwa dzinobatsira, asi dzinotokuvadza.

Variko vanhu munguva dzino vanoda kuti tiite zvavanoda, kwete zvinoda Mwari.

Dambudziko redu nderekuti tinofunga kuti tine mhinduro pazvinhu zvese nyangwe nezvatisingazive kana zvatisinganzwisise. Tinofanana nembwa inopenga inohukura nekutandanisa nyangwe neshiri iri kubhururuka.

Kana tichinge taomeserwa kana kuomerwa, tinoteerera vaye vanozviti vanoziva, asi kukunda kwedu hakubve mumagweta nenyanzvi. Tinombowana nguva yekubvunza kuti Mwari vari kuti kudii here munguva dzekunge gungwa richisimudza mhepo nemafungu sezvariri kuita muZimbabwe, zvekuti tinofunga kuti tave kuzonyura? Ko panoitika dutu, Mwari varipi?

Panguva iye Jesu paakati kuvadzidzi vake ngatiyambukirei kumhiri kwegungwa, tinonzwa kuti iye akarara muigwa. Paakangorara chete, gungwa rakasimudza mhepo huru nemafungu zvekuti Bhaibheri rinoti vakanga vave kuda kunyura, uye vakave munjodzi huru kwazvo.

Asi nyangwe zvazvo mhepo nemvura zvakanga zvichipenga kudaro, pane chinhu chaifanira kushamisa vadzidzi chisina kuvashamisa. Sei Jesu akanga akarara iro gungwa richipenga kudaro?

Nesuwo takakomberedzwa nemamiriro ezvemari ari kutyisa, asi Jesu ari kutya nazvo here kana kuti isu tisu tiri kutya?

Pavakamutsa Jesu vakati, “Tenzi, Tenzi, tave kunyura!” Vakagona zvavo kumutsa Jesu, asi dai vaive nekuvimba naMwari, dai vakaziva kuti kana Jesu akarara, hapana kunyura kunoitika.

Jesu paakamuka, akataura negungwa nemhepo kuti zvinyarare uye zvidzikame – zvikaita sekudaro. Zvakateerera Mwari. Nesuwo ngatisasiya zvakatikomberedza zvichitivhiringidza. Ngatirarame hupenyu hwekuteerera Mwari, kwete vanhu.

Kutaura kwedu ngakuve kushoma, zvikuru patinenge tisina ruzivo. Kuteerera vanhu ngakuve kushoma, zvikuru vanhu vatisingazive.

Ndine hama yangu yakaburuka bhazi ikatandara nebenzi isingazive kuti ibenzi. Bhaibheri rinotiyambira kuti pakati pedu, “hapafaniri kuva nokufunga kusina maturo, kutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga.”

Usati watumira vamwe zvawatumirwa pafoni yako, zvibvunze kuti uri kubatsira here kana kuti uri kusaidzira nyika kumawere?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>