Martinez anoda kugara pasi naRonaldo

12 Jan, 2023 - 09:01 0 Views
Martinez anoda kugara  pasi naRonaldo Roberto Martinez

Kwayedza

MURAIRIDZI mutsva wePortugal, Roberto Martinez, akazivisa chinangwa chake chekuda kugara pasi naCristiano Ronaldo kuti vakurukure nezveramangwana rake kuchikwata ichi sezvo zvisingaizivikanwe kuti anoda kuita sei nePortugal zvichitevera kupera kweWorld Cup.

Ronaldo akasiiwa naFernando Santos mumitambo yePortugal yemaknockout kuQatar asi aimbove murairidzi weBelgium uyu anosimbirira kuti anoda kutaura nemutambi uyu zvichitevera kugadzwa kwaakaitwa.

Martinez akagadzwa kuve murairidzi mutsva wePortugal nemusi weMuvhuro sezvo ange amboita chibvumirano chemuromo chete zvisinei nekutatarika kwaakaita kuWorld Cup neBelgium.

Anonzi achaedza kutaura nemutambi mutsva weAl-Nassr uyu. Achitaura nevatori venhau kekutanga abva kugadzwa semurairidzi, Martinez anotaura nezvechinangwa chake chekuumba chikwata chakasimba vachienda kumberi.

“Matanho anotorwa munhandare,’’ anodaro.

Cristiano Ronaldo

“Ini handitore matanho muhofisi. Ndinovimba ndichataura nevatambi vese.

“Cristiano Ronaldo mutambi aripowo ipapo. Ave nemakore 19 ari muchikwata chenyika.

“Ndinovimba tinogona kugara naye pasi toumba chikwata chakasimba. Izuva rekugutsikana kukuru, asi mangwana tichatanga kuita basa.” – SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>