‘Mashoko ari kutinzvenga’

30 Jan, 2022 - 12:01 0 Views
‘Mashoko ari  kutinzvenga’

Kwayedza

Bongani Ndlovu

KUSHAIKWA kwenzira dzakajeka dzekufambisa mashoko pamusoro pechirongwa chekubaiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 ndiro dambudziko guru rakatarisana nevanhu vakaremara mitezo sezvo vamwe vavo vasina ruzivo rwekuti pane zvikwata zveveutano zviri kufamba mudzimba nyika yose zvichibaya majekiseni kune vemapoka akadai.

Semuenzaniso, svondo rapera kanzuru yeBulawayo yakatanga chirongwa chemasvondo maviri chekubaya nhomba apo vashandi vezveutano vanofamba mudzimba, panguva iyo Zimbabwe iri kusimbaradza kurwisa kupararira kwedenda iri.

Danho iri riri kuuya panguva iyo Hurumende inoti chikamu chechina chekunyuka kwedenda iri (fourth wave) chave kuenda kunopera, asi kuvarairwa kuri kuitwa nevamwe vanhu kunogona kukonzera kunyuka kechishanu kweCovid-19.

Kunzvimbo dzinosanganisira Bulawayo, kune zvikwata zveveutano zviri kufamba mudzimba dzemuguta iri vachibaya vanhu nhomba.

Zvisinei nekunaka kwedanho iri, vanhu vakaremara mitezo vanoti pane zvakawanda zvinofanirwa kuitwa mukushambadza mashoko ari pamusoro pezvirongwa zvakadai sezvo vakawanda vavo vasina ruzivo nezvazvo.

Mai Sithole Sande, vanove purojekiti maneja wesangano reLorewo iro rinomirira vakaremara mitezo kuburikidza nekuvabatsira nezvekufambisa, vanoti vakaremara havana ruzivo pamusoro pezvikwata zveveutano vari kufamba mudzimba vachibaya vanhu nhomba.

Mashoko avo anotsinhirwa naMuzvare Soneni Gwizi, mushamarari weparedhiyo uye nepaterevhizheni uyo anorwira kodzero dzevakaremara, achiti ari kushushikana kuti vari kuona nezvechirongwa ichi vari kufambisa sei mashoko kune vakaremara mitezo.

“Chinoratidza kuti chirongwa chakanaka, mubvunzo ndewekuti chinokwanisa kubatsira vanotarisirwa kuyamurwa vacho zvakanaka here uye kana zvichidaro zvinodadisisa. Nyaya huru kwandiri ndeyekufambiswa kwemashoko (ari pamusoro pezvirongwa zveCovid-19) uye zvivakwa kunzvimbo dzinobatsirwa vanhu maringe neutano hwavo.

“Kana vakasvika pamba pemunhu ane dambudziko rekunzwa, vanotaura naye sei pamusoro pebasa ravari kuita uye kuti vanoda kumubaya nhomba? Pamusoro pezvo, vanhu vari muboka iri havana ruzivo nezvechirongwa ichi uye kuti vanokwanisa kubatsirika pamwe nekuudza vamwe vari muboka ravo,” vanodaro.

Muzvare Sipho Ncube, vanove sachigaro wesangano reAmatshe Aligugu Women with Disability Trust vanoti: “Ini pachezvangu, handisati ndanzwa mashoko ari pamusoro pechirongwa chezvikwata zveveutano vari kufamba mudzimba vachibaya vanhu nhomba kutaura chokwadi.

“Ndakabaiwa zvizere uye handina zvigozhero zvandakasangana nazvo pandakabaiwa nhomba yekutanga neyechipiri. Vanofanirwa kushambadza zvakanyanya kuitira kuti vanhu vakawanda vazive nezvechirongwa ichi.

“Pamusoro pezvo, mashoko ari pamusoro pezvirongwa zvakadai anokwanisa kuunzwa kumasangano edu toshandisa nzira dzedu  mukuafambisa,” vanodaro.

Muzvare Ncube vanoti kushaikwa kweruzivo rwakazara pamusoro pechirongwa chekubaiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 kuri kuita kuti vamwe vanhu vatyire kure kubaiwa majekiseni aya.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>