Uncategorized

‘Mask’ yapinda musitayera

08 May, 2020 - 00:05 0 Views
‘Mask’ yapinda musitayera

Kwayedza

Kingstone Mapupu
DANHO rakatorwa neHurumende rekuti munhu wose apfeke masiki (mask) pose paanenge ari panzvimbo yeruzhinji senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 raita kuti mamasiki “apinde musitaera” sezvo vanhu vari kuonekwa vakapfeka mhando nemhando dzawo.

Hurumende yakazivisa kuti pava nemutemo wekuti munhu wose anofanira kufamba akapfeka masiki.

Pasi pemutemo uyu, avo vanoonekwa vasina kupfeka mamasiki paruzhinji vanosungwa vobhadhariswa faindi kana kupihwa chirango chekugara mujeri kwenguva isingadarike gore.

Vanhu vari kuonekwa vakapfeka mamasiki akagadzirwa nezvinhu zvemhando dzakasiyana kusanganisira madhuku, mahovhorosi akabvarurwa nezvimwe zvinopotsa zvasekesa mbavha yakahwanda.

Pamadandemutande anosanganisira WhatsApp neTwitter, vamwe vari kuonekwa vakapfeka kumeso zvakadai semapoto nemikombe inoshandiswa kuchera mvura.

Zvisinei nekuti kune vamwe vanogona kuita dambe panyaya yekupfeka mamasiki iyi, zvakakosha kuti vanhu vapfeke mamasiki akakodzera nguva dzose nechinangwa chekuzvidzivirira nekudzivirirawo vamwe kuCovid-19.

Kwayedza nemusi weChitatu chino yakataura nevamwe vanhu muHarare avo vanopa pfungwa dzavo pamusoro pemamasiki aya.

VaAmos Shambawamedza (67) vekuBudiriro 5B vanoti rwendo rwuno vaonerera nekuda kwemamasiki ari kupfekwa nevanhu anosanganisira akaita kunge manapukeni nematawuru nezvikabudura zvevana zvakabvaruka.

“Ini ndakatengerwa masiki nekambani asi kwakabuda mari yakawanda zvikuru. Handigone kugara ndakapfeka chipfeko ichi nekuti chinonditadzisa kufema zvakanaka, asi danho rekudzivirira chirwere cheCovid 19 hatirishore.

“Rwendo rwuno tiri kumboonerera veduwe nekuda kwemhando yemamasiki ari kupfekwa nevamwe anosanganisira anenge manapukeni nezvikabudura zvevana,” vanodaro VaShambawamedza.

VaGideon Makwasha (55) vanobva kuDomboshava vanoti inyaya yakaoma zvikuru kugara wakapfumbira muromo nemhuno.

“Masiki iyi ndakaitengerwa nekambani uye yakakosha mukudzivirira kupararira kweCovid-19,” vanodaro VaMakwasha. Sekuru Nicholas Musonza (78) vanogara kwaSabhuku Musonza, kudunhu raMambo Seke, vanoti kunyangwe zvazvo mamasiki akakosha, vari kushungurudzwa zvikuru nekuapfeka sezvo ari kuvatadzisa kufema zvakanaka semunhu anorwara. Izvozvi ndinonetsekana nekufema, kungopfeka kuti ndinogona kuzosungwa nemapurisa nekuti ipapa ndinogona kungodonha. Asi hapana kusiri kufa nekuti ndichafa nekutadza kufema ndakazvipfumbira kudai. Ndakachitenga US$2 asi kumba vakatoshaya chingwa,” vanodaro Sekuru Musonza.

Vamwe vanoita basa rekusona nemichina yavo mudzimba vari kupura mari nekugadzira mamasiki ayo ari kutengwa zvikuru mazuva ano.

Share This:

Sponsored Links