Uncategorized

‘Maspiritual husbands anodariso’

12 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘Maspiritual husbands anodariso’

Kwayedza

Munyori weKwayedza —
PROPHET Tapiwa Freddy vechechi yeGoodness and Mercy Ministries kuGlen View, muHarare, vanoti dambudziko rakatarisana nevanhukadzi vasingaroorwe kana kusemwa nevarume ava riri kukonzerwa nezvidhoma nemweya yakaipa.

“Dambudziko rakadai rinowanikwa kumadzimai mazhinji mungava munyika muno kana kunze, pane atinoti ma”spiritual husbands” (varume vemumweya) vasingade kuvaona vachiita varume kana kuita mukomana chaiye. Zvavanotaura kuti vanonzwa vachitoshereketwa navo ichokwadi.

PROPHET FREDDY

“Zvinhu zvinobatsirwa vanhu zvichitopera nyore-nyore. Ngavatsvage kwekubatsirwa nenguva,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa negodobori – Mbuya Marita Ried vekuChitungwiza – vachiti vanasikana vedzinza iri vakagadzikwa mweya wengozi kana kuti vari kushandiswa nezvidhoma.

“Nyaya iyi haingoitika pachena, mudzinza revanhu ava mune munhu akaromba anoshandisa vanasikana chete. Kudzoka kwavo kuvarume nekutambura kwavo zvinhu zvake zvinenge zvichishanda nekubudirira. Vakuru vemhuri iyi ngavaitewo tsiyo nyoro vabatsire vana ava?” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links