Matambiro emaWarriors kuchando

30 Nov, 2023 - 20:11 0 Views
Matambiro emaWarriors kuchando Marshall Munetsi (pakati) mushure mekukuvara munhandare

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI weStade de Reims – Marshall Munetsi – akatamba maminitsi 33 apo chikwata chake chakakundwa 3-1 neRennes mumutambo uyo akakurumidza kubuda sezvo ainge akuvara gumbo.

Munetsi ari kutarisirwa kupedza nguva yakareba asingatambe, hunge vanachiremba vakakwanisa kuona kuti gumbo rake rakakuvara zvakanyanya.

Mutambo uyu wainge uri wekutanga Munetsi adzokera kuchikwata chake zvichitevera mitambo miviri yaakatambira maWarriors yekurwira kuenda kuWorld Cup iyo yakaona chikwata chenhabvu chenyika ichi chichiita mangange mumutambo wekutanga 0-0 neRwanda uye wechipiri 1-1 neNigeria.

Paakakuvara akaburitswa mumutambo uyu, ligi reFrench Ligue 1 rakanyora paX richitumira mashoko ekusimbisa Munetsi anoti: “Tinoshuvira kukurumidza kupora kuna Marshall Munetsi”.

Chikwata chaWilliam Still chichange chichida kuona kuti Munetsi anokurumidza kupora here nekuti mutambi uyu akakosha zvikuru kwavari sezvo ari mumwe wevanotanga kusarudzwa kutambira Reims masvondo ese.

Nerimwe divi, mwaka wa2023/24 hausi kufamba zvakanaka kuchikwata cheOlympique Lyon icho chinove chimwe chezvikwata chine nhoroondo huru munhabvu yekuFrance.

Lyon, iyo inotambirwa naTino Kadewere, mumitambo 12 yayatamba mwaka uno yakwanisa kuwana zvibodzwa zvisere.

Tino Kadewere

Svondo radarika, chikwata ichi chakakundwa 2-0 pamusha pacho neLille mumutambo uye Kadewere akatamba maminitsi 65 apo akazoburitswa achitsiviwa naDejan Lovren.

Mwaka uno, Kadewere atamba mitambo mitanhatu kuLyon uye haasati ambonwisa.

Kaputeni mutsva wemaWarriors, Marvelous Nakamba, akadzokera kuchikwata chake cheLuton Town akakuvara izvo zvakamutadzisa kutamba apo vakakunda Crystal Place 2-1.

Pari zvino Luton yakagara pechi17 palogo reEngland Premier League iine zvibodzwa zvipfumbamwe kubva mumitambo 13.

Nakamba akwanisa kutamba mitambo 12.

MuEnglish Championship, Andrew Rinomhota aive akagara pabhenji apo chikwata chake cheCardiff City chakakunda Preston 2-1 musi weMugovera wadarika uye neapo chakazokundwa 1-0 neWest Bromwich Albion musi weChipiri.

Andy Rinomhota

Mwaka uno, Rinomhota angokwanisa kutambira Cardiff City kamwe chete pamitambo 18 yatambwa nechikwata ichi.

KuItaly, Jordan Zemura akatamba maminitsi 83 mumutambo weSerie A apo chikwata chake cheUdinese chakakundwa 3-1 neAS Roma kunhandare yeStadio Olimpico, kuRoma.

Jordan Zemura

Kubva aenda kuUdinese, Zemura akasvika achikwana-kwana muchikwata ichi uye mumwe wevatambi vanotanga kusarudzwa naGabriele Cioffi izvo zvaona achitamba mitambo 12 kubva pa13.

Share This:

Sponsored Links