‘Matanho edu ari kushanda’

01 Sep, 2021 - 14:09 0 Views
‘Matanho edu ari kushanda’ Sen Mutsvangwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE inoti kudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 pamwe nekufa chiratidzo chekuti matanho akasimba ari kutorwa nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere ichi ari kubatsira zvikuru.

Vachitaura kuvatori venhau neChipiri svondo rino mushure memusangano wedare reCabinet muguta reHarare, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi munyika hwakadzikira nechikamu che30 percent svondo rapera.

“Cabinet yakaona kuti huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine denda iri hwakadzikira nechikamu che30 percent apo nyaya dzevanhu 1 785 vakabatwa nechirwere ichi dzakanyorwa pasi svondo rapera kana zvichienzaniswa ne2 564 vesvondo rapera pamberi.

“Izvi zvinoratidza kuti matanho ari kutorwa neHurumende ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi ari kubatsira zvikuru,” vanodaro.

Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Pane kudzikira zvakare kwehuwandu hwevarwere vanoda rubatsiro kuzvipatara vanenge vaine Covid-19. Varwere vaida kupihwa mibhedha kuzvipatara vaive chikamu che14,5 percent musvondo ratiri kutaura nezvaro kana zvichienzaniswa nechikamu che17,8 percent chesvondo rapera pamberi.”

Sen Mutsvangwa vanoti chikamu che98 percent chechirwere cheCovid-19 chiri kubata vanhu pari zvino munyika muno ndechemhando yeDelta variant iyo yakatangira kunyika yeIndia.

“Sezvo chikamu che98 percent chevari kubatwa neCovid-19 muZimbabwe iri yemhando yeDelta variant, hapasisina chikonzero chekuti vanhu vari kubva kunyika dzine mhando yedenda iri, dzakaita seIndia, vambogariswa kwavo voga pavanosvika muno,” vanodaro.

Votaura nezvekuvhurwa kwezvikoro, Sen Mutsvangwa vanoti mapazi edzidzo ose ari maviri ari kushanda nesimba mukuona kuti vadzidzi vatevedza matanho akatarwa ekurwisa kupararira kweCovid-19.

“Pamusoro pezvo, nyika inoziviswa kuti bazi rezveutano nekurerwa kwevana, redzidzo yepuraimari nesekondari uye neredzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kweruzivo rwemichina ari kushanda pamwe chete kuitira kuti pasave nenjodzi yekunyuka kwechirwere ichi pakuvhurwa kwenzvimbo dzekudzidzira. Magwaro ezvinofanirwa kutevedzerwa eStandard Operating Procedures ari kuendeswa kuzvikoro kuitira kuvhurwa kwazvo,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Zvikoro zvakavhurwa nemusi weMuvhuro svondo rino kuchitanga nevana vachanyora bvunzo kupera kwegore.
Sen Mutsvangwa vakazivisa zvakare kuti Cabinet yakatendera kuti mitambo yakasiyana ichitanga kuitwa asi pachitevedzerwa zvizere matanho ekudzivirira Covid-19.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 124 773 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 muZimbabwe kubvira pakatanga denda iri munaKurume gore rapera.

Pavarwere ava, 113 057 vakatopona asi vamwe 4 919 vakafa.
Kusvika nemusi uyu zvakare, vanhu 2 582 705 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira Covid-19 apo 1 636 498 vange vabaiwa echipiri (2nd dose).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>