MaWarriors aita mangange neSuper Eagles

19 Nov, 2023 - 22:11 0 Views
MaWarriors aita mangange neSuper Eagles MaWarriors

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenyika chenhabvu chemaWarriors nhasi chaita mangange 1-1 nemaSuper Eagles eNigeria mumutambo wekurwira tikiti rekuenda ku2026 FIFA World Cup.

Mutambo uyu watambirwa kuRwanda munhandare yeHuye Stadium iyo yange ichishandiswa nemaWarriors sezvo muZimbabwe pari zvino musina nhandare iri padanho rekutambirwa mitambo mikuru yenhabvu yeCAF neFIFA.

Mumutambo uyu, maWarriors ndiwo atanga kutungamira apo Walter Musona anwisa mutambo uyu watambwa maminitsi 26, Nigeria ndokuzodzora mumamitsi 67 apo Kelechi Iheanacho anwisa, zvisinei nekuti amupa bhora raagohwesa aratidza kunge ange ari off-side asi mubati wepembe ndokurega kuridza.

Pari zvino maWarriora akagara pechitatu palogo remuGroup C aine mapoinzi maviri kubva mumitambo miviri yavatamba.

MuGroup C, South Africa ndiyo iri kutungamira iine mapoinzi matatu kubva pamutambo mumwe chete wavatamba, kuchiti Nigeria inewo zvibodzwa zviviri kubva mumitambo miviri yayatamba.

Share This:

Sponsored Links