MaWarriors dhuma-dhuma neRwanda

15 Nov, 2023 - 10:11 0 Views
MaWarriors dhuma-dhuma neRwanda MaWarriors

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chemaWarriors chiri kupinda muhondo nenguva dza3 nhasi masikati apo chichatamba neRwanda mumutambo wekutanga wekurwira tikiti rekuenda ku2026 FIFA World Cup.

Mutambo uyu uri kutambirwa kunhandare yeHuye Stadium kunyika yeRwanda.

Achitaura ari kuRwanda pavhidhiyo rakatumirwa neZIFA papeji ravo reX, mutambi wemaWarriors – Marshall Munetsi – anoti mutambo uyu wakakosha naizvozvo chikwata chavo chiri kufanirwa kurwira kuti chiwane zvibodzwa zvese zvitatu apo vachasangana neRwanda.

“Tiri kunzwa kufara, morari yakakura zvichitevera kudzoka kwataita kuzomirira nyika yedu uye nekuita zvisati zvakamboitika kare, kubudirira kuenda kuWorld Cup.

“Zvinhu zvatiri kushanda kuti tigokwanisa kuita uye munhu wese ari kushanda nesimba kuti tihwine mutambo wedu neRwanda,” anodaro.

Mutambo uyu uchaona vatambi vatsva vanosanganisira Andrew Rinhomota naTivonge Rushesha vachitambira chikwata ichi kekutanga.

Rinomhota anotambira chikwata cheCardiff City chekuEngland kuchiti Rushesha anotambira Reading yekuEngland zvekare.

Rushesha anoti ari kunzwa manyukunyuku kumirira nyika yake.

“Ndinonzwa kufara nekushevedzwa kwandakaitwa nenyika yangu. Ini ndinobva muZimbabwe, ndakazvarirwamo uye mhuri yangu yese inobvamo, saka kushevedzwa kwandakaitwa kunoreva zvikuru kwandiri, naizvozvo ndichasanda nesimba kuti ndibatsire nyika yangu tiende kuWorld Cup.

“Vamwe vatambi vandigamuchira nemaoko maviri uye tiri kushanda tose zvakanaka,” anodaro Rushesha.

MaWarriors ari muboka reGroup C nezvimwe zvikwata zvinoti Rwanda, Nigeria, Benin, South Africa neLesotho.

Vaverengi, tinoda kuti mufembere uye mutiudze kuti mutambo uyu uchapera wakamira sei.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>