MaWarriors makatikanya: Vatsigiri

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
MaWarriors makatikanya: Vatsigiri

Kwayedza

VATSIGIRI venhabvu muZimbabwe vari kudya marasha zvichitevera matambiro akaita chikwata chenyika chemaWarriors kumutambo weAfrica Cup of Nations (Afcon), kuGabon izvo zvakaona achiburitswa mumakwishu aya vasina kana kumbohwinhawo.

MaWarriors akaburitswa mumutambo uyu nemusi weMuvhuro svondo rino apo akakundwa 4-2 neTunisia. Mumutambo wekutanga, Zimbabwe yakaita man’ange 2-2 neAlgeria asi ndokuzokundwa mumutambo wechipiri 2-0 neSenegal.

Vamwe vevatsigiri venhabvu vari kupomera murairidzi wechikwata ichi, Kalisto Pasuwa, mhosva yekuti ndiye akadyisa maWarriors.

Zvakadai, Pasuwa svondo rino akati achasiya basa rake achiti ndiye ane mhosva zvichitevera kukundwa kwakaitwa maWarriors kuGabon.

Kaputeni wemaWarriors, Willard Katsande, anoti zvakare ave kusiya zvenhabvu zvichitevera kukundikana kwavakaita kuAfcon uye anoda kupa vechidiki mukana wekuti vatambewo nhabvu.

MaWarriors paakambobudirira kuenda kuAfcon mugore ra2004 – apo airairidzwa naSunday ‘Mhofu’ Chidzambwa uye 2006 naCharles Muhlauri – akatombohwinawo mimwe mitambo izvo zvakakundikana kuitwa nechikwata chaPasuwa.

Chikwata ichi chakakwanisa kuwana chibodzwa chimwe chete zvichitevera kuita mangange neAlgeria iyo yakabudawo mumutambo uyu.

Mumwe mutsigiri wemaWarriors wechidzimai, Abigail Mudzamiri, anoti akarwadziwa zvikuru nekuburitswa kwakaita chikwata ichi kuAfcon sezvo aitarisira kuchiona chichikunda kumutambo uyu.

“Munoziva isu tinogara kurokesheni bhora tinenge tichiri farira uye rikanwa ruzha rwunoitika ikoko rwakakura kurakidza kuti munhu wese anenge achitsigira maWarriors, anoda kuona chikwata ichi chichibudirira.

“Zvakarwadza kukundwa kwedu asi tinoti simbai vakomana mune ramangwana munokunda.

“Asi chandakaona ndechekuti (Knowledge) Musona ndiye ega aigona kudarika vamwe vese,” anodaro Mudzamiri.

Obert Smoko (31) wemuHarare anoti Pasuwa haasi kuziva zvaari kuita uye ndiye akakonzeresa kukundwa kwemaWarriors sezvo aitambisa vamwe vatambi panzvimbo dzisiridzo.

Smoko anoti mumutambo wekutanga wemaWarriors, Pasuwa aiona paikanganiswa asi aikundikana kuzvigadzirisa mumitambo yaitevera izvo zvinove zvakakundisa chikwata ichi.

“Tine vatambi vakaita saCosta Nhamoinesu, mutambi anogona asi aitambiswa pasiripo muchikwata naPasuwa. Mumutambo wekutanga, Pasuwa akaona pataikanganisa tichikurirwa nhabvu asi aingosiya zvakadaro mumitambo inotevera.

“Ngatitiyi tiri kutamba bhora takakundwa, shuwa kutadza kupinza vamwe vatambi kuti vaedze kushandura zvinhu? Oda kuzovapinza mutambo wave kupera, zvinobatsirei?” anodaro Smoko.

Zvakadai, Michael Chako (40) – uyo anoti mutsigiri mukuru weDynamos FC – anoti maWarriors akatamba zvinonwisa mvura kuAfcon asi zvikwata zvavaitamba nazvo ndezvemhando yepamusoro.

Anoti Pasuwa anofanirwa kuramba ari pabasa rake asi otsvaga vatevedzeri  vanokwanisa kumubatsira zvizere.

“Pasuwa ngatirambe tichimutsigira mubasa rake, ngatisawore mwoyo. Vakomana vakatamba asi zvikwata zvimwe zvataitamba nazvo zvainge zvakasimbisisa kutidarika,” anodaro Chako.

Rodgers Chipachimi (23) wemuHarare anotiwo kunwiswa kwakaitwa maWarriors apo aitamba neAlgeria muchikamu chekutanga ndiko kwakatadzisa chikwata ichi kuhwina sezvo vatambi ava vakabva vapera simba.

Anotiwo vatambi vakaita saElisha Muroiwa vakaremerwa nebhora sezvo vasati vambotambira kunze kwenyika. Mumwe wevatsigiri venhabvu, Knowledge Karimatsenga, anoti Warriors ave kunetsa kutsigira sezvo achigarokundwa pamitambo iyo yaanofanirwa kuhwinha.

“Murairidzi aifanirwa kushandura chikwata chake pazvinenge zvakaoma kuti zvigoshamisa chikwata chavanenge vachitamba nacho asi Pasuwa aingomirizika. Vamwe vatambi vaaisarudza vakaita saHardlife Zvirekwi hapana kana chaaiita aingopasira bhora kune vechimwe chikwata chatinenge tichitamba nacho. Pasuwa aifanirwa kupawo vamwe vatambi mukana asi aingotambisa chikwata chimwe chete ichocho chaingorikitwa kusvika taburitswa mumutambo uyu,” anodaro.

John Kay anotiwo zvinoshamisa kuti chikwata chemaWarriors kuAfcon chaive nevatambi vane hunyanzvi asi chakakundikana kuhwina kana mutambo mumwe chete.

“Chikwata chakarairidzwa naMuhlauri chakange chizere nevatambi vemuno chete kozoita vekunze vaviri kana vatatu asi chakatombokwanisa kuhwinawo mutambo mumwe chete kwete zvataitirwa nechaPasuwa ichi,” anodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>