Uncategorized

Mazamu tugu, hupombwe hauna kuchipa

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Mazamu tugu, hupombwe hauna kuchipa Thompson Mutimutema achiratidza mazamu ake Mifananidzo naKingstone Mapupu

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
KANA ukadirwa mvura haurambe wakaoma. Zvinhu zvose zvatinoita zvine zvazvinokonzera, kufanana nekuti ukadyisa unozvimbirwa, unorwara kana kurutsa. Hakuna muchero unodonhera mudenga, uye hakuna muchero unodonhera kure nemuti wawabva.

Ichokwadi hakuna mukadzi anoiswa number plate semotokari, asika kana ukaona munhu akuyambira kuti siyana nemukadzi wangu, iwe rohwa nehana ubvunzisise nekuita tsvakurudzo pamusoro pemukadzi iyeye. Asi chinokuita kuti usaite tsvakurudzo ndechekuti unenge usiri kuda kuroora mukadzi iyeye, asi kungoita hit and run semotokari.

Mukadzi wemumwe kutsvoda rovambira, uye unomudii iwe uine wako kumba? Panomera muswe panonyeredza! Asi muswe ukange wamera unonetsa kuti uuvige, ndipo panonzi nevaKaranga, “Unapo panopinda gonzo muswe uchipata.”

Dimikira rekuti kumera muswe rinoreva kufarisa, uye kana ukanzi wave kurebesa muswe zvinoreva kufarisa zvakapfurikidza.

Kana muswe ukarebesa, unenge wave kutsvaira-tsvaira vamwe nekuvapiringisha nekuti iwewe muridzi wemuswe iwoyo unenge usisagone kuudzora. Mhedzisiro yemuswe wakarebesa kuchekwa kana kudimurwa.

Kana muswe wadimurwa, tinenge toti, “Wagurwa kunorira.”

Hatipembedze huroyi sezvakaitika kuna Mutimutema, uyo akamera mazamu nekuti akanga atora mukadzi waSithole. Zvakarewo mukadzi waSithole ndiye nhubu huru panyaya iyi nekuti chii chakamuita kuti adanane naMutimutema asi iye achinzi Mai Sithole?

Saka zvaifanira here kusvika ipapa pekuti munhu waari kudanana naye amere mazamu kuti iye azorega chipfambi? Zvisinei, nyaya yangu yakanangana naMutimutema uyo wandiri kunzwira tsitsi nekuti murume anotoriwo nemukadzi nevana kumba. Chaakanga achiita chii?

Hupombwe haubhadhare uye hahuna kuchipa Mutimutema, uye vanhu vese ngatidziidzei chinhu ichochi.

Ngatimboita kuti zvandiri kutaura zvinyatsojeka semangwanani. Izvozvi nyora pasi mazita evanhu vose vanokanganiswa kana ukaita hupombwe.

Handisi kuda kuti uti, “Haaa inini handibatwe.” Kana utori muhupombwe izvozvi ziva kuti vose vanohuita vanofunga kuti havabatwe, asi hupombwe iriva rakamirira kudhinguka. Saka toti wafunga kuita hupombwe, ndevapi vanhu vanokanganiswa nehupombwe hwako?

Kana uri murume saMutimutema uchakanganisa vanotevera: Mukadzi wako, vana, atezvara, ambhuya, ana tsano nevakadzi vavo nevana vavo, vabereki vako, hanzvadzi dzako nevarume vadzo nevana vavo. Uchakanganisa vanin’ina vako, madzisekuru nanambuya. Uchakanganisa vavakidzani vako nevemunzvimbo yaunogara. Kana uchienda kubasa nekuchechi, zvakaoma!

Nhai Mutimutema, newe mukadzi waSithole – ungatore demo ukatema zvigunwe zvemwana wako here? Ndinoziva kuti uchati kwete, handingadaro. Chinoita kuti usadaro ndechekuti kutema mwana wako zvigunwe hakusi kuranga, asi kukuvadza, kuremadza nekuuraya.

Zvino ndizvo zvakaita kuita gumbo mumba, gumbo panze. Hupombwe hunokuvadza, kuremadza nekuuraya vana vako nemudzimai kufanana nekuvatema zvigunwe nedemo. Miviri yedu yakasikwa nemufananidzo waMwari nechikonzero. Miviri yedu itemberi kana kuti imba yeMweya waMwari. Vafundisi vakare vakatsanangura hupenyu hwedu vanhu panyika nemufananidzo unoita kuti nditye.

Vakati isu vanhu tiri kufamba patambo iri mudenga, uye tambo iyi yakabatwa nengirozi kune rimwe divi, uye kune rimwe divi yakabatwa nezvikara. Hatisi ana mwari, hatisi ngirozi kana zvikara, asi tiri vanhu vari patambo.

Tine nguva dzatinorerekera zvinotyisa kudivi rezvikara, asiwo pamwe pacho tinofamba tichienda kudivi kune ngirozi. Ndataura kare, hupombwe hauna profit, tizai zvikara muende kudivi raMwari. Nyama yamunoda iyi ikaiswa pasikero inorema, uye mukaichengeta inowora.

Share This:

Sponsored Links