Maziso ose pana Nakamba

29 May, 2023 - 08:05 0 Views
Maziso ose pana Nakamba Marvelous Nakamba achipemberera nevamwe vatambi veLuton Town svondo radarika apo chikwata chavo chakakunda Sunderland 2-0 ndokuhwina tikiti rekupinda mufainari yeEnglish Championship Playoff Final

Kwayedza

Abel Ndooka

KUCHANGE kusingadanwe anonzwa kuWembley Stadium kuEngland nemusi weMugovera uko chikwata cheLuton Town, icho chinotambirwa naMarvelous Nakamba, chichasangana neCoventry City mumutambo weEnglish Championship Playoff Final.

Mutambo uyu uchange uchiteverwa zvikuru nevatsigiri venhabvu vemuno sezvo vanoda kuona Nakamba achibatsira chikwata chake kuti chipinde muEngland Premier League.

Chikwata chichahwina mutambo uyu chichabva chawana tikiti rekupedzisira rekupinda muEngland Premier League mwaka unotevera. Chinenge chichitevera Burnley neSheffield United izvo zvakabudirira kare kupinda muEPL.

Nakamba kubva paakaenda kuLuton Town FC, matambiro echikwata chake akasimukira chaizvo izvo zvakamuona achihwina mubairo wePlayer of the Month munaKubvumbi.

Kana Luton Town ikahwina mutambo uyu, ine mukana wekuchengeta Nakamba mwaka unotevera sezvo mutambi uyu nechikwata ichi zvinonzi vari kuda chaizvo kuti hukama hwavo hurambe huchienderera mberi.

Nakamba akatumirwa kuLuton Town nechikwereti neAston Villa nekuti akange asiri muhurongwa hwaUnai Emery uyo akatsiva Steven Gerrard munaMbudzi wegore radarika.

Pakatanga mwaka wa2022/23 apo Villa yairairidzwa naGerrard, Nakamba akange asiri muhurongwa hwaGerrard uye pakazouya Emery, Gerrard adzingwa basa asi hazvina kushanduka sezvo Emery aikoshesa vatambi vakadai saDouglas Luiz, Boubacar Kamara, Jacob Ramsey naJohn McGinn avo aitambisa pamberi paNakamba.

Kubva pakatanga mwaka wa2022/23, Nakamba haana kumbobvira atamba kana mutambo mumwe chete weEPL kuAston Villa.

Izvi zvakazoita kuti aende kuLuton munaNdira wegore rino izvo zvazoona achitamba mitambo 17 kuchikwata ichi.

Mumitambo 17 iyi, chikwata ichi chahwina 10 ndokuita mangange mishanu uye chikakundwa miviri chete izvo zvinorakidza kuti Nakamba asimudzira matambiro eLuton Town zvikuru.

Luton ikahwina nemusi weMugovera inobva yapinda muEnglish Premier League kekutanga munhoroondo yayo kubva chikwata ichi chakavambwa mugore ra1885.

Kuchiti Coventry City, iyo yakambotambirwa naPeter Ndlovu, iri kurwira kudzoka muPremier League umo yakapedzisira kutambira mugore ra2001.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>