Mazuva 4 hakuna afa

18 Sep, 2020 - 00:09 0 Views

Kwayedza

Tandayi Motsi
HAPANA munhu afa nekuda kwechirwere cheCovid-19 muZimbabwe kwemazuva mana adarika kubva nemusi weMugovera kusvika neChipiri chino, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rinozivisa.

Magwaro anotumirwa pazuva nebazi iri anoratidza kuti vanhu vakapedzisira kufa nechirwere ichi vaviri avo vakashaika nemusi weChishanu chadarika vanoti wemuHarare newekuManicaland.

Izvi zvasiyana nenguva yadarika apo kwaive kusingapere zuva kana mazuva maviri pasina munhu afa neCovid-19.

Kudzikira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi chiratidzo chebudiriro huru munyika ino panyaya dzekurwisa denda rashungurudza pasi rose iri.

Asi, sekutaura kweHurumende, budiriro iri kuitika muhondo yekuedza kumisa chirwere ichi uye kunyevenutswa kwemamwe matanho hazvireve kuti Covid-19 hakuchisina.

Kusvika nemusi weChipiri, Zimbabwe yange yava nevanhu 7 576 vakawanikwa vaine Covid-19 mushure mekuvhenekwa kubva patakanga chirwere ichi muno nemusi wa20 Kurume gore rino.

Pavarwere ivava, 5 783 vakatopona asi vamwe 224 vakafa.

Dunhu reHarare ndiro rine vanhu vakawanda vafa nekuda kwechirwere ichi vanove 120 richiteverwa neBulawayo ine 42 kwozouya Manicaland ine 21.

Masvingo ndiyo ine vanhu vashoma vafa nekuda kweCovid-19 vanove vaviri chete.

Budiriro yaitwa mukurwisa Covid-19 yaona Hurumende ichinyevenutsa matanho ekumisa kupararira kwedenda iri.

Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri svondo rino mushure memusangano wedare reCabinet, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa vanoti mabhazi anotakura veruzhinji pakati pemaguta ave kutenderwa kufamba asi anofanirwa kutevedza mitemo yakatarwa yekurwisa Covid-19.

Izvi zvinotevera kuvhurwa kwezvikoro kuvana vari kunyora bvunzo dzekupera kwegore uyewo nekuvhurwa kwezvimwe zvikamu zveupfumi hwenyika zvinosanganisira chekushanyirwa.

Mabhazi anotakura veruzhinji kuenda kunzendo dzakareba anosungirwa kutanga anyorese patsva maringe nemutemo uye oongororwa kuti akakodzera kutakura vanhu here.

Mabhazi aya akamiswa kufamba pakatanga chirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 musi wa30 Kurume gore rino.

Dare reCabinet rakatendera kuti mabhazi aya achitanga kufamba asi achitevedza zvisungo zveWorld Health Organisation (WHO) zvekumisa kupararira kweCovid-19.

Zvisinei nekunyevenyutswa kwematanho ekurwisa Covid-19, Cabinet inosimbisisa kuti chirwere ichi chichiriko, nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachitevedzera zvinodiwa pakuchidzivirira.

“Cabinet yatendera kuti mabhazi anotakura veruzhinji pakati pemaguta achitanga kufamba kuitira kuti pave nekufamba nyore kwevadzidzi vachanyora bvunzo, vagari vemuno nevashanyi.

“Vemabhazi vanoda kutakura vanhu vanofanirwa kunyoresa nebazi rezvekufambisa nekusimudzirwa kwezvivakwa kuitira kuti zvionekwe kuti vari kutevedzera nemazvo here zvinodiwa pasi pemitemo yeWHO yekurwisana neCovid-19. Senzira yekutsigira izvi, Vehicle Inpsepction Department (VID) inofanirwa kuchitangawo kuita basa rayo,” vanodaro Sen Mutsvangwa. Vanoti zvichitevera kuvhurwa kwechikamu chezvekushanyirwa kwenyika, vashandi vemuchikamu ichi vanofanirwa kutevedzawo zvinodiwa mukumisa denda iri.

Share This:

Sponsored Links