Uncategorized

Mazuva achavhurwa zvikoro achaziviswa

08 May, 2020 - 00:05 0 Views
Mazuva achavhurwa  zvikoro achaziviswa Cain Mathema

Kwayedza

Conrad Mupesa
MUTUNGAMIRI wenyika vachazivisa mazuva ekuvhurwa kwezvikoro, asi vanoita izvi bedzi kana zvaonekwa kuti vana vechikoro nevadzidzisi havasi panyatwa yekutapurirwa hutachiona hwecoronavirus.

Coronavirus ndiyo inokonzera chirwere cheCovid-19 icho chauraya vanhu vakawandisa pasi rose.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Cde Cain Mathema pakuparurwa kwechirongwa cheSchools Covid-19 Response paChikangwe High School, kuKaroi nemusi weChitatu.

“Kuchengetedzeka kwevana vechikoro ndiko kwatinokoshesa zvakanyanya pane zvose panyaya dzechirwere cheCovid-19. Mutungamiriri wenyika vachazivisa mazuva achavhurwa zvikoro kana pachinge paonekwa kuti hapana njodzi yekuti vana vatapurirwe Covid-19,” vanodaro Cde Mathema.

Vanoti chirwere ichi chinoda kuti munhu wose ashande nesimba kuchidzivirira uye vanorumbidza zvikoro zvekudunhu reMashonaland West nekugadzira kwazviri kuita zvipfeko zvinodzivirira kutapurirwa Covid-19 zvose nemishonga yekugezesa maoko.

“Ndafamba zvikoro zvisere zvemuno uko ndaona kuti zvinokwanisa kugadzira sezvinongoitwa nemafakitori. Zviri kuitwa nezvikoro izvi mucherechedzo wekuti zvinangwa zveutano nedzidzo izvo zviri muVision 2030 zvinokwanisa kugoneka,” vanodaro.

Vanoti kugadzirwa kwezvipfeko zvekudzivirira nemakambani akawanda kunobatsira kuderedza mitengo yezvinhu izvi sezvo vamwe vanga vava kuzvidhurisa zvakanyanya.

Vanokurudzira vana nevarairidzi vepaChikangwe High School kuti vavandudze njere dzavo pakugadzira zvinhu kuitira kuti vakwanise chero kutengesa kunze kwenyika.

Gurukota redunhu reMashonaland West, Mai Mary Mliswa-Chikoka vanoti zvikoro zvinofanira kuramba zvichigadzira zvipfeko zvekudzivirira nemishonga yekugeza maoko chero Covid-19 yapfuura.

“Zvikoro zviri kugadzira zvinhu izvi zvinofanira kuramba zvichidaro chero denda reCovid-19 rapfuura nekugadzira zvimwe zvinenge zvichidiwa nevemunharaunda.”

Chamangwiza weZimbabwe Teachers Association (Zimta), Dr Sifiso Ndlovu vanoti vakapa Chikangwe High School $10 000 yekuti vagadzire mamasiki 3 500.

Ehlekweni Vocational Institute, iyo iri pasi peZimta, ichagadzirawo mamasiki 60 000 panozosvika mwedzi waChikunguru gore rino.

Nhengo yedare reParamende kuHurungwe Central, Cde Dought Ndiweni vanokurudzira vemayunivhesiti kuti vasiire zvikoro kugadzira mamasiki, ivo voita zvekuongorora nekurapa varwere veCovid-19.

Zvimwe zvikoro zviri kugadzira mishonga yekugeza maoko zvinosanganisira Moleli High School, Sandringham High School, Pen Academy neKutama College.

Nguva pfupi yadarika, sachigaro wekomiti yedzidzo yepuraimari nesekondari muParamende, Mai Priscilla Misihairabwi-Mushonga vakaudza bepanhau reThe Herald kuti zvakakosha kuti zvikoro zvizovhurwa bedzi kana pasisina njodzi yekuti vana vanotapurirwa Covid-19.

Vanoti vana vanofanira kudzidziswa kuburikidza ne”e-learning”.

Zvichakadai, sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe (PTUZ) rakanyorera kuHurumende nguva pfupi yadarika richiti zvikoro zvimbomira kuvhurwa.

Munyori mukuru kuPTUZ, VaRaymond Majongwe vanoti kuvhurwa kwezvikoro kunoisa vana, vadzidzisi nevemabhizimisi ari mune zvedzidzo panjodzi yekubatira nekutapurirana hutachiona uye vanoti dai zvikoro zvavhurwa pakati pemwedzi waChikunguru.Cain Mathema

Share This:

Sponsored Links