Uncategorized

Mbatya dzakafuma dziri kumakuva

23 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Mbatya dzakafuma dziri kumakuva Mbatya dzaive dzakaita mudungwe kuenda kumakuva

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VAGARI vemubhuku raChipanera, kwaMambo Neuso, kuSanyati, havana neremuromo zvichitevera manenji akaitika pane mumwe musha weko apo vanhu vakafuma vachiona mbatya, magumbeze nemidziyo yavo yemumba zvakarongwa mudungwe kubva pabhedhuru kunosvika kumakuva.

Makuva aya ari kumucheto kwechivanze chemusha.

Zvinhu zvakaburitswa mumba zvinosanganisira magumbeze, mbatya dzakaita sezvipfeko zvemukati, majasi nemarokwe, terevhizheni, machira epazvigaro nezvimwe zvakangowanda.

Zvose zvakafuma zvakarongwa zvakaita mudungwe kubva mumba huru yekurara zvichinosvika pamarinda pane makuva matatu emhuri iyi.

Mbatya idzi dzinonzi dzakabviswa mubhedhuru remhuri iyi asi akaita izvi haasati ave kuzivikanwa.

Nyaya iyi yatova mudare raMambo Neuso.

Pamusha pakaitika mashura aya ndepaVaJoel Zvidzayi (60) — apo panguva iyi paiva nemushandi wavo wechidzimai nekamwana kake, pamwechete nemuzukuru wemhuri iyoyi.

Svondo rapera Kwayedza yakashanyira musha wakaitika izvi ndokuwana VaZvidzayi varipo asi vari voga zvichitevera kutiza kwakaita nemushandi wavo nemwana wake zvose nemuzukuru wavo mushure memashura aya.

VaZvidzayi vakazotizawo vatori venhau ndokunohwanda mune imwe imba vachiti havadi kutorwa mifananidzo mushure mekunge vambotaura zvishoma pamusoro penyaya iyi.

“Hapana chaicho chandinogona kutsanangura zvizere nekuda kwenyaya iyi nekuti yakaitika ini ndisipo ndiri kuBulawayo kwandinogara nemhuri yangu. Vaiva pano vanoti mbatya dzakaburitswa panze kubva mumba nezvinhu zvavasina kuona.

“Vanoti vakatanga kunzwa mhere yemazwi echidzimai avo vachizhamba kuchema. Izvi zvinonzi zvakaitika kuma1 dzehusiku. Mbatya dzakazofumoonekwa dzakaita mudungwe dzinosanganisira magumbeze, dzedu nedzemushandi zvose nedzemuzukuru nematerevhizheni.

“Kwaiva kwakanosvika mbatya nemidziyo zviri mumudungwe kumakuva evabereki vangu — rambuya nerababa,” vanodaro.

Terevhizheni iri kumusoro kweguva

VaZvidzayi vakatsenga-tsenga mukanwa apo vakabvunzwa nekuda kweguva rechitatu rinova idzva, iro rinonzi nevagari veko nderemwanasikana wepo uyo akafa asina kurwara asi havana kusununguka kutaura nezvaro.

“Zvimwe zviri kutaurwa pamusoro penyaya iyi ndezvemanyepo, asi mbatya dzakabuda mumba zvechokwadi dzikaita mudungwe kuenda kumakuva. Ini ndakazotaurirwa ndikauya tikatsvaga maporofita akaita zvavakaita ndokuzodzosera mbatya mumba.

“Izvo zvekuti mudzione, sei imi musiri kugutsikana nezvandiri kutaura?” vanodaro.

VaZvidzayi vanoti chishamiso ndechekuti hapana kuonekwa kuti mbatya idzi dzakaburitswa nekupi sezvo magonhi ose edzimba ainge akakiiwa uye mahwindo akavharwa, mumba musina munhu akapindamo kana tsoka dzakadhinda.

VaZvidzayi vakazozvivharira mumba apo vakada kutorwa mifananidzo, vakazoshevedzera kuvatori venhau vachiti vafambe zvakanaka.

“Mofamba zvakanaka, ini handichabudapo. Ko iyo pikicha yangu munoidiiko? Chiendai zvenyu, handivhuri dhoo. Handiti ndataura nemi kare here? Mufananidzo wembatya mukatora pamubhedha, muchadei manje?” vanodaro apo vainge vakazvipfigira mumba.

Sekuru Elias Pariyangiwa (81) naMbuya Emma Gambiza (76) – avo vanova vavakidzani vemhuri iyi – vanoti vakazongofumawo vachiona musha waVaZvidzayi wakakombwa nevanhu vaiona mbatya dzainge dzakaita mudungwe kunanga kumakuva.

Mushure mekunge VaZvidzayi vazvivharira mumba, vatori venhau vakazonotora VaWilliam Neuso – vanove munyori wedare raMambo Neuso – ndokudzoka vachiwana murume uyu achakangozvipfigira mumba umo akarambisisa kubuda.

VaWilliam Neuso vanoti apo vakanzwa nezvenyaya iyi, vakatumira samanisi kuna VaZvidzayi kuti vauye kudare ravo kuzotsanangura zvakaitika asi havana kuendako.

“Ndakaenda pamusha uyu nemapurisa amambo tikanoona musikana aichengetapo uyo akataura nyaya yose yekuti vakanzwa mazwi ekuchema achipinda nepahwindo kuma12 kusvika kuma1 dzehusiku apo dhoo rainge rakakiiwa uye vanoti vakaramba vari mumba. Musikana uyu anoti moto wavaiva vakakuhwidza panze wakazoparadzwa nezvinhu zvisina kuonekwa uyewo akataurawo zvembatya dzavakazoona mangwana acho dzakaitwa mudungwe kubva kumba kunosvika kumakuva. Terevhizheni yavo yainge yakaiswa kumusoro kwerimwe guva,” vanodaro VaWilliam Neuso. Vanoti sezvo VaZvidzayi vaisavapo, vakazovafonera kuti vauye kudare ramambo apo vakasiya samanisi kumba kwavo izvo vasina kuita.

“Tichitaura nemusikana webasa uyu, anoti mumwedzi waChikumi, pamusiwo pemba iyi pakambofuma paine zvidimbu zvina zvenyama mbishi iyo yavanoti havana kuziva kuti yaiva yemhuka here. Vanoti padivi payo  paiva nemushonga zvavanoti vakatora vakapisa.

“Asi kupera kwesvondo rino Zvidzayi tichamushevedza zvakare kudare ramambo kuti atsanangure nyaya iyi, akazobvisirei zvinhu kubva kumakuva mambo vasina kusvika pamusha pake uyewo nekuti paitwe chivanhu chekuchenura chipini chakaitika ichi?” vanodaro. Vanoti zvakaitika izvi zvitsva mudunhu ravo.

Share This:

Sponsored Links