Uncategorized

Mbavha dzemagetsi hokoyo!l Vamwe vacho vashandi veZesa: Chasi

01 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
Mbavha dzemagetsi hokoyo!l Vamwe vacho vashandi veZesa: Chasi Mumwe wevaviri vakabatwa nemagetsi kuBulawayo svondo rakapera

Kwayedza

Abel Ndooka

GURUKOTA rezvemhando dzemoto, Cde Fortune Chasi, vanoti mbavha dzose dzinobatwa nemhosva yekuba midziyo yemagetsi yakadai sematransformer dzinofanirwa kutongerwa kugara mujeri kwemakore 30 nekuti dziri kudzorera budiriro yenyika kumashure.

Vanotizve, Hurumende ine chivimbo chekuti vamwe vevari kuba tambo dzemagetsi nemagwenya vashandi veZesa kana kuti vaimboishandira kare.

Vachitaura nemusi weChina pamusangano weNational Energy Innovation Summit muguta reHarare, Cde Chasi vanoti mbavha dziri kuba midziyo yemagetsi dzinofanirwa kurangwa nemutemo zvakaomarara.

Vanoti vakatonyorera kudare reCabinet vachipa chikumbiro chekuti pave nemutemo wekuti wose anobatwa achiba midziyo yemagetsi atongerwe kugara mujeri kwemakore 30.

“Pane vanhu vari kuita tsika yekuba matransformer emagetsi uye neoiri yacho kuti nyika itambure, imhosva huru iyoyo. Tinoda kuti vanenge vabatwa nemhosva idzi vavharirwe mujeri kwemakore 30 chaiwo.

“Mashoma makore aya nekuti ukaenda kune dzimwe nyika unovharirwa makore akawanda kana kupihwa mutongo unorwadza chaizvo,” vanodaro.

Cde Chasi vanoti kune dzimwe mbavha dziri kusvika pakufa dzichiba midziyo yemagetsi uye svondo rino vanhu vaviri vakatofa kuBulawayo vachiedza kuba matransformer.

Vanoti vane fungidziro huru yekuti dzimwe nyaya dzekubiwa kwemidziyo yemagetsi dzine chekuita nevashandi veZesa Holdings nekudaro nyaya idzi dzinoda kuongororwa zvakadzama.

“Vamwe vanhu vanorohwa nemagetsi vachiedza kuba uye vaviri vakatorohwa nemagetsi vakafa kuBulawayo svondo rino. Zvimwe zvacho ndoziva zvine vanhu veZesa mukati saka tiri kuzviongorora uye anobatwa nemhosva chete uchapinda mujeri rinorwadza,” vanodaro Cde Chasi.

Vanoti vanhu vakawanda havasi kubhadhara magetsi avari kushandisa inove tsika yakaipa zvikuru.

“Tichiri kumboti bhadharai zvikwereti zvenyu nguva ichiripo tisati tatanga kuvhura mabhuku edu kuti ndiani ane chikwereti.

“Wega kana uchiziva kuti une chikwereti chakakura sei, huya kuhofisi yangu wotaura toona kuti tobatsirana sei. Ini ndega ndokufarira kuti waita zvakanaka. Asi, kana tazovhura mabhuku edu tave kukutsvagai hamuzozvide,” vanodaro.

Zimbabwe yakatarisana nedambudziko guru rekushomeka kwemagetsi zvichitevera kudzikira kwemvura yemudhamu reKariba uko kune magwenya anobika magetsi aya.

Izvi zviri kuona magetsi achigaroenda zvichikanganisawo kushanda zvakanaka kwemaindasitiri nezvimwe zvikamu zveupfumi hwenyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>