Mbavha yovaviwa kunge ine gwembe

21 Nov, 2023 - 17:11 0 Views
Mbavha yovaviwa kunge ine gwembe Arnold Marambanhaka

Kwayedza

Abel Ndooka

MUCHINDA anogara mumusha weDzivarasekwa, muHarare, ari kureurura kuti imbavha, uye kuti akapinda pane imwe imba ndokuba amplifier, keyboard nespeaker asiwo chaakadya chamuka – ava kugara achingovaviwa achigwabvura kukwenya seane gwembe.

Anonzwawo izwi rinomutaurira kuti adzosere zvinhu izvi kwaakazviba.

Arnold Marambanhaka anonzi akaonekwa neveruzhinji achifamba mumugwagwa kuDzivarasekwa achizhambatata kuchema apo aiti ari kuvaviwa muviri wose pamwe chete nekurohwa nezvinhu zvisingaonekwe.

Marambanhaka ainge apinda pamba pemumwe murume anonzi Brighton Chikomo ndokuba midziyo iyi.

Muhurukuro neKwayedza, Marambanhaka anobvuma kuti imbavha inoshandisa mushonga.

“Ndakati ndiine mumwe sahwira wangu takagara mubhawa tichinwa doro, akandifurira kuti tiende kunoba pamba pemumwe murume waaida kupfidzisa sezvo vainge vanetsana. Saka nekudhakwa, takaenda pamba paye ini ndini ndakapinda ndikaba amplifier, speaker nekeyboard.

“Zvinhu izvi taida kunozvitengesa US$300 sezvo shamwari yangu yainge yandiudza kuti ane munhu ari kuda kuzvitenga, saka ndakanozvitengesa asi ndokuwana US$100 chete,” anodaro.

Marambanhaka anoti kwadarika masvondo maviri, akatanga kunzwa izwi raitaura munzeve dzake richiti aende anodzosera zvinhu zvaaive aba ndokuudza sahwira wake, asi vakangoti zvichadarika.

Zvisinei, anoti akazotanga kuona chitsvuku apo akange ave kungokwenya muviri wose kunge munhu ane gwembe.

Anoti akazoridzira nhare tete vake, hanzvadzi yababa, vakauya vakamutora vakambotenderera naye kumaporofita uko vakaudzwa kuti munhu waakabira ndiye aikonzera matambudziko aaisangana nawo.

“Handina kumbozviramba nekuti ndaitoziva kuti ichokwadi ndakatora zvinhu zvemunhu.

“Saka tave kudzoka kubva kunobatsirwa, ndakasangana nemuchinda wandakatengesera zvinhu zviye ndikamuudza kuti ndiri kuzvida, akamboramba nazvo asi pandakamuudza kuti ndezvekuba, akanditi ndiuye kuzozvitora. Ndakazvitora ndikanodzorera, asi manje ndakaudzwa kuti zvinhu izvi pandiri kuzvidzorera ndinofanirwa kuripa.” .

Marambanhaka anoti akachera chikomba akapfira mate ndokutsidza kuti haachabe zvekare nekuti vaishandisa mishonga kuba asi rwendo runo mishonga yavo yakaramba kushanda.

“Pataipinda mudzimba tichiba, taishandisa mishonga yataipihwa kun’anga. Dzimwe nguva tainzi kana tave kuenda kunoba titange tageza maoko neweti yedu, izvi zvaiitirwa kuti tisabatwe. Asi apa zvakaramba kushanda nekuti takabatwa uye mviro-mviro dzacho ndakadziona, handichabe futi,” anodaro Marambanhaka.

Murume akabirwa naMarambanhaka, VaChikomo, vanobvuma kuti “vakasotesa” Marambanhaka kuti adzore zvinhu zvavo zvaainge aba.

VaBrighton Chikomo

“Chandinoziva ndechekuti bhaibheri chairo rinotaura kuti usabe, usatore chisiri chako saka munhu anombobirei? Mbavha dzinotirwadzisa padzinotibira.

“Isu vanhu vanoti vanhu vanonamata havafanirwe kusota vamwe, zvino kana simba raMwari richigona kubvisa chitsinga chaiswa nemuroyi saka simba iroro rinotadza nei kudzorera chitsinga ichocho chinobaya muroyi anenge achitumira?

“Vanhu ngavazvishandire vasatore zvinhu zvisiri zvavo nekuti hauzive munhu waunenge watorera,” vanodaro.

VaChikomo vanoti vakange vavhurisa dhoketi kumapurisa pavakamhan’ara kuti vabirwa asi vakazoregerera Marambanhaka ndokunovharisa dhoketi riye sezvo akadzidza chidzidzo chikuru.

“Paakadzora zvinhu zvangu, ndakanovharisa dhoketi nekuti zvaakasangana nazvo zvakamudzidzisa chidzidzo chikuru chekuti asabe zvekare muupenyu hwake.

“Iye zvino ndava kunzwa kufara kuti ndakanzwa kuti ave kuenda kukereke uye akasiyana nezvekuba saka ndinovimba kuti achagara achirarama upenyu hutsvene husina chitsotsi mukati,” vanodaro VaChikomo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>