Uncategorized

Mbudzi 22 dzakangofa

07 Jan, 2021 - 10:01 0 Views
Mbudzi 22 dzakangofa Mbudzi dzakafa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
SHIRIKIDZA inogara mubhuku raJeke, kwaMambo Mola, kuKariba, yakagurwa kunorira apo yakazongoona mbudzi dzayo 22 dzakafa pedyo nedanga.

Mbuya Maria Mawere (65) vanoti nemusi wa29 Zvita kuma5 zuva rodoka, vakawana mbudzi dzavo dzangoita murakatira kufa pedyo nedanga radzo.

“Ndakarozvwa, ndasara ndisina kana pekubata. Handizive kuti ndoita seiko, ndiwo hwaingova upfumi hwangu hwoga nekuti mombe dzakaperazve kufa nezvirwere dzimwe dzikadyiwa nemapere neshumba. Ndaiva nemombe dzaidarika makumi matatu asi dzose dzakapera,” vanodaro Mbuya Mawere.

Vanoti musi uyu kune vamwe vavakidzani vavo vakauya kwavari masikati vachivapopotera vachiti mbudzi dzavo dzainge dzavadyira chibage mumunda wavo.

“Muvakidzani wangu uyu handina kumbomupindura mashoko akaipa kunze chete kwekuti ndakakumbira ruregerero ndichiti vazukuru vangu vaiva vakanganisa zvikuru pavaidzifudza ndichiti dzimwe nguva vaida kutaura kuti vaizoripwa nei ndivape zvangu mbudzi imwechete semuripo. Havana kutaura mashoko ekuripwa apo vakabva pamba pangu vachingopaumba kupopota.

“Rechimangwana racho, ndakazoona mbudzi dzose dzapera kufa muchirugwi,” vanodaro Mbuya Mawere.

Mbuya Maria Mawere

Vanoti kubva pakafa mbudzi dzavo, havana kumbobvunza munhu wavakatukana naye uyu nekuda kwenyaya iyi.

“Handina kuvabvunza nekuti handina umboo hwekuti ndivo vakakonzera kufa kwembudzi dzangu. Zvichida dzakarumwa nenyoka nekuti musha wedu wakakomberedzwa nemasango nezvikomo uye pamwe irovambira kana zvimwe zvikara zvesango,” vanodaro Mbuya Mawere.

Vanoti vakaedza kutsvaga nyanzvi dzezvemhuka dzeDepartment of Livestock and Veterinary Services (DVLS) vakatadza kuvawana sezvo vachiti kwavanowanikwa kure navo.

“Mbudzi idzi takavhuna tikasvina matumbu acho tichitsvaga kuti tingaone zvirwere kana kudunduvira kweropa tikashaya chakakonzera kufa kwadzo. Hura nenyama takaomesa uye tiri kudya hatina kana dambudziko.
“Vamwe vakandirambidza kudya asi ndakaona kuti hapana kwaisava kufa panyaya iyi,” vanodaro Mbuya Mawere.

Muvakidzani wavo, VaPaul Mupedzi (50), vanotsinhira nyaya yekufa kwembudzi idzi.
“Ichokwadi gogo ava vakazongoona mbudzi dzavo dzakafa,” vanodaro VaMupedzi.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West Inspector Magarate Chitove vanoti nyaya yekufa kwembudzi idzi haina kutsvitswa kumahofisi avo.

“Nyaya yakadai iyi haisati yasvika kumahofisi edu, tinokurudzira veruzhinji kuti nyaya dzakadai idzi vanhu vapote vachisvitsa kumapurisa pane kungonyarara nekuti dzimwewo nguva panogona kunge pakaparwa mhosva nekufa kwembudzi idzi,” vanodaro Insp Chitove.

Share This:

Sponsored Links