Uncategorized

Mbudzi 60 dzabiwa kumafuro

23 Nov, 2021 - 13:11 0 Views
Mbudzi 60 dzabiwa kumafuro Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Munyori weKwayedza

VARIMI vatatu vekuCentenary kudunhu reMashonaland Central vakabirwa mbudzi 60 dzinokosha US$2 000 apo dzaifura mune rimwe purazi reko nguva pfupi yadarika uye pane fungidziro huru yekuti izvi zvakaitwa nechikwata chembavha.

Mapurisa anoti achiri kutsvaga vanofungidzirwa kuti ndivo vakapara mhosva iyi.

Nyaya dzekubiwa kwezvipfuyo dziri kuwanda mazuva ano uye pane fungidziro yekuti mbudzi dziri kubiwa idzi dziri kutengeswa kumadhorobha nemaguta uko nyama yacho iri kudiwa zvakanyanya.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti nyaya yekubiwa kwembudzi kuCentenary iri kuferefetwa.

“Nemusi wa14 Mbudzi, 2021, mapurisa eZRP Centenary akatambira nyaya nhatu dzakamhan’arwa dzembudzi 60 dzakashaikwa papurazi reClear Morning Farm.

“Mbudzi dzakashaikwa idzi, idzo dzinokosha US$2 000, ndedzevamhan’ari vatatu uye dzakabiwa kumafuro.
“Kuferefetwa kwenyaya iyi kuchiri kuenderera mberi,” vanodaro.

Svondo rapera, mapurisa akatanga chirongwa chinonzi, “Nyama Yabvepi” nedonzvo rekurwisa nyaya dzekubiwa kwezvipfuyo kumativi ose enyika.

Mapurisa akakwanisa kusunga vanhu 318 nemhosva dzekubiwa kwezvipfuyo kusvika nemusi weChishanu chadarika.

Izvi zviri kuuya panguva iyo mombe 24 nedzimwe mbudzi 64 dzakabiwa kuvarimi vari kuHwange, Mhangura nekuBindura apo nyaya dzekubiwa kwezvipfuyo dziri kuwanda munyika muno.
Dzimwe dzemombe dzakabiwa dzakawanikwa.

Share This:

Sponsored Links