Messi oshuwira World Cup

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Messi oshuwira World Cup

Kwayedza

MUTAMBI weArgentina, Lionel Messi, anoti anoda chaizvo kuhwina mukombe weWorld Cup iyo ichatanga masvondo mashoma ari kutevera kuRussia. Shasha yeBarcelona iyi haasati ambohwina mukombe mukuru achitambira nyika yake uye anoti dai zvaikwanisika aishandura mumwe wemikombe 32 yaakahwina neBarcelona ouhwina nenyika yake.

Kaputeni weArgentina uyu aive muchikwata chakakundwa neGermany mufainari yeWorld Cup mugore ra2014 uye mwaka uno akahwina mikombe yakawanda neBarcelona.
Izvi zvakamuona achihwina La Liga uye neCopa del Rey.

“Ndaigona kushandura mukombe mumwe chete neBarcelona, kuushandura kuita wenyika yangu,” Messi akaudza El Trece.
“Kuhwina mukombe weArgentina zvinhu zvingave zvikuru kwandiri zvandingayemura.”

Zvisinei, Messi akataura hake kuti chikwata chaJorge Sampaoli hachisi chimwe chezvichatarisirwa kuhwina kuRussia pachatanga makwishu eWorld Cup musi wa14 Chikumi.

“Ndinovimba zvikuru nechikwata chino, tiri kushanda nesimba tese, tine vatambi vane tarenda guru uye tichasvika kure,” anodaro. – SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>