Uncategorized

‘MHAMHA NDINOKUDAI’ …Mwanakomana ochiva amai

15 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
‘MHAMHA NDINOKUDAI’ …Mwanakomana ochiva amai Samuel Mlotshwa

Kwayedza

Gibson Mhaka
MUDZIMAI anogara mumusha weNketa 9, kuBulawayo, anoti mwanakomana wake wekubereka ari kumunetsa achimukumbira kuti vadanane, voita bonde vose “nekuti mhamha muri yellow bone” kana kuti tsvarakadenga.

Sikhangezile Mlotshwa anoti haanzwisise zviri kuitwa nemwana wake abva zera, Samuel Mlotshwa (21), uyo anogara achimuyemura uye achidaidza amai ava kuti “amai makanaka amai, muri yellow bone”.

Duramazwi rinoti “yellow bone” zvinoreva munhukadzi wechitema asi ane ganda rakaita kunge remuchena (the lightest type of light-skinned black female).

Zvinonzi munhukadzi “yellow bone” anowana runako rwekuva tsvarakadenga kubva paganda rake.

Amai ava vanoudza mutongi wedare redzimhosva reBulawayo Civil Court — uko vakaenda vachitsvaga gwaro rinovadzivirira — kuti mashoko anogarotaurwa nemwanakomana wavo aya ave kuita kuti vagare vachimutya kuti anogona kuvabata chibharo sezvo vari kugara vose.

Vanhu vaiva mudare iri vakashamisika apo Sikhangizile — uyo anoti anoda kuti rudo pakati pake nemwanakomana wake rwuperere pakuva amai nemwana bedzi — akarondedzera kumutongi zvaari kuitwa nemwanakomana wake Samuel.

“Handichada kumuona mumba mangu nekuti anogara akadhakwa. Anondichiva achindiudza kuti ndiri yellow bone. Zvino ndava kutya kuti anogona kundibata chibharo.

“Hazvitenderwi pachivanhu chedu kuti mwanakomana anochiva amai vake zvekuda kuenda navo pabonde,” anodaro Sikhangezile.

Patsika dzechivanhu, imhosva inotoresa munhu ngozi kana kumuita kuti agozotanda botso kuchiva amai vake zvekusvika pakuda kudanana navo zvekuenda pabonde.

Kana pasi pemitemo yeZimbabwe, hama nehama saamai nemwana havatenderwe kudanana.

Zvina amai ava vanoti vave kugara vachitya mwanakomana wavo uyo wavanoti ari kuratidza kushaya hunhu sezvo avashungurudza nekutaura mashoko aya kwenguva yakareba.

“Musi wa23 Gunyana, akauya kumba uko kwaiva nevanin’ina vake vanoti ane makore 16 okuberekwa nemumwe ane makore 18. Pandakazosvikawo, akandiudza kuti hakuna kwaanoenda achiti achagara neni zveginya.

“Akabva atanga kundituka nezvinonyadzisira achiti ndinomuvenga nekuti ruvara rwekumeso kwake mutema. Akandityisidzira nekuda kunondirova. Nekuda kwemhirizhonga yaanoda kugara achiita, handidi zvangu kuti asvike kumba kwangu sezvo achitora futi zvinodhaka,” vanodaro amai ava.

Vanobva varatidza dare tsamba ine umboo hwekuti mwana wavo anotora zvinodhaka kubvira achiri kuchikoro.

Tsamba iyi inoratidza kuti Samuel anoshandsisa zvinodhaka uye aienda kuchikoro nezvombo zvinokuvadza.

Achipawo divi rake, Samuel anoti hunhu hwake huri kukonzerwa nekuchechi kwavanoenda semhuri.

“Tine kuchechi kwatakakura tichienda kunonzi kuEnd Time Messages. Kuchechi uku tairambidzwa kuona terevhizheni uye ndaingogara ndiri mumba pasina zvekuita. Saka ndinofungidzira kuti ndizvo zvava kundipa misikanzwa kudai.

“Ava ndiamai vakandibereka chaivo, asi vanogara vachindiitira hukasha. Handina kumbobvira ndavambunyikidza sekutaura kwavanoita. Pese patinotadza kunzwisisana ndinenge ndichivaudza chokwadi, kuti vakandivenga.

“Ndakambobva pamba asi zvinhu zvaindiomera ndokusaka ndakazodzoka. Amai vangu vaisada kuti ndishanyire hama saka ndanga ndisina kwekuenda,” anodaro Samuel.

Achipindura kuchikumbiro chaamai vake chekuti abve pamba pavo, Samuel anoti, “Handikwanise kunogara nababa vangu pari zvino nekuti vari kuBotswana.”

Mutongi Lesigo Ngwenya akati Samuel anofanira kubva pamba paamai vake uye asiyane netsika yekuvashungurudza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>