Mhando dzezvekudya

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
NHAURWA yekudya nekunwa ndiyo inovaka munhu. Kushingaira kunoitwa mumatunhu nemumadhorobha kuvavarira kuisa chokudya patafura.

Makare kare zvekudya zvakange zvichiitwa namapoka maviri muupenyu hwacho. Vanhurume vaienda musango kunovhima mhuka kuti vagowana nyama ukuwo vakadzi vaienda musango kunochera midzi nekunhonga michero nokudaro kudya kwaiva mavhu namarara.

Kudya uku zvakare kwaivaka muviri nekugwinyisa kudarika kudya kwavako mazuva ano. Zvikomana nezvisikana zvaiva zvigwindiri kudarika zvamazuva ano.

Husavi hwakare hwaisada mafuta sehwamazuva ano. Kwaiwanikwa derere. hohwa, ishwa, hwiza kana majuru. Kwadyiwa zvakare madora, mandere nembeva.

Mhando dzekudya dzakawedzera kuwanda pakawana vanhu ruzivo rwekurima nekupfuya zvipfuyo. Hwaro hwemhando dzezvekudya hwakabva hwawedzera uye vanhu vakange vogarisana pedyo nepedyo vachibatsirana mabasa. Izvi zvakazoita kuti husavi huchitekeshera.

Vaigadzira bota raibikwa nemuto wamatamba rainzi munhandabota kana kuti mudzamba. Kune zvakare bota ravaigadzira nekukanya muto wemazhanje rainzi dondore.

Vanhu vaiva nehuchenjeri hwekugadzira huchi kuita muto wainzi musvi.

Vavhimi vaiti vakauraya tsoko kana gudo, vaibva vavhiya vogadzira nyama yehusavi yaidaidzwa kunzi nhongoruware. Vaigona zvakare kubata gwavava kana gweshadombo vogadzira husavi hwavaipa zita rekuti hukurutombo.

Mukuvhima vanhu vakatanga kupfuya nekushandisa imbwa. Vakazosvika pakuchiva imbwa zvekuti vaibata mbwanana vouraya, vogadzira husavi hwavakapa zita rekuti mbudziruonje.

Vakadzi vaiunganidzawo nokutswa runinga urwo rwaizogadziriswa usavi hwainzi dovi roruninga.

Nemhaka yekuti nyama yainge isingazivani, imwe yaizoomeswa yoitwa chimukuyu apo vanhu vaizongopota vachidambura vachidzandabvura zvavo pavadira.

Kuuya kwembesa kwakaunzawo shanduko muupenyu hwevanhu nekuti chibage chakabva chatangawo kutora nzvimbo huru mukurarama kwavanhu. Kwakatangawo kuwanikwa jena muponesi rinova sadza.

Sadza risina muriwo rakabva rapihwa zita rekunzi nhemurwa. Sadza rakasara manheru rakabva ranzi munya, muradza kana kuti mukucha.

Kurimwa kwenzungu kwakabara dovi iro rakazogadziriswa mhando dzehusavi dzisingaperi. Kune husavi hunoitwa mushure mekukwatisa dovi risina chimwe chinhu mukati maro uhwo hunonzi gwatakwata kana kuti nhakara.

Vamwewo vanogona kumaranza nzungu vasingadzitsetsi kusvika kuzoita dovi. Kana dzamaranzwa kudaro dzinonzi chidokohori kana kuti chinanzvirwa.

Dovi rakakorerera rikaiswa nekukwatiswa mumbeva kana majuru rinonzi rujin’ini.

Nyemba nyoro dzakabikwa nemakanda adzo dzinonzi mahove kana kuti mukove. Manhanga anogona kubikwa osanganiswa netsanga dzechibage obva adaidzwa kunzi mukan’a.

Mapfundewo anogona kutswiwa odyiwa akadaro achidaidzwa zita rekuti mashagada. Mhodzi zvakare dzinogona kukuyiwa dzoumbwa zvimabhora dzobikwa. Kana zvaibva zvinonzi mabumbe kana kuti undu.

Chibage chakadzvurwa nekubikwa chinonzi mashazhare kana kuna manhuchu. Nekuda kwekutambudzika kukuru, vamwe vanhu vanosvika pakushaya husavi hwekudyisa sadza ihwo hupfu huripo.

Vanozongobika sadza votora mvura ine munyu vanhu votosevesa. Mvura iyoyo ine munyu inonzi mutowavhumbu kana nhanhamuto.

Share This:

Sponsored Links